Purogiramu Yevhiki yaSeptember 20
VHIKI INOTANGA NASEPTEMBER 20
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cf-CA chits. 10 ¶18-23, bhokisi riri pap. 107
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: 2 Madzimambo 19-22
Nha. 1: 2 Madzimambo 20:1-11
Nha. 2: Nei Tichifanira Kuva Vanyoro? (Mat. 5:5)
Nha. 3: Munhu Angada Sei Jehovha Kana Achifanirawo Kumutya? (rs-CA p. 92 ¶4-5)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
10 min: Takaita Sei Gore Rakapera? Hurukuro inopiwa nomutariri webasa. Dzokororai zvakaitwa neungano mugore rebasa rakapera, monyanya kutaura zvakanaka zvakaitwa, uye moirumbidzawo pazvinenge zvakakodzera. Bvunzurudzai muparidzi mumwe kana vaviri vane zvakaitika zvinonakidza. Taurai nzira imwe kana mbiri dzokuita nadzo ushumiri dzinogona kuvandudzwa neungano yenyu gore riri kuuya, uye taurai mazano anobatsira.
10 min: “Mirayiridzo Kune Vaya Vanopa Hurukuro paMusangano Webasa.” Hurukuro inopiwa nemukuru.
10 min: Batsira Mwana Wako Kuti Ave Muparidzi. Kukurukurirana nevateereri mashoko ari papeji 82 yebhuku raTakarongwa. Bvunzurudzai mubereki anoita zvakanaka ane mwana muduku ari muparidzi asina kubhabhatidzwa. Akabatsira sei mwana wake kuti afambire mberi kusvika pakuva muparidzi asina kubhabhatidzwa?