“Uchenjeri Hunoratidzwa Kuti Hwakarurama Nemabasa Ahwo”
1. Vamwe vanoona sei basa redu?
1 Dzimwe nguva tinombopindurwa zvisina kunaka navanasaimba vanenge vasingatinzwisisi kana kuti vanenge vakaudzwa zvisizvo nezveZvapupu zvaJehovha. Pamwe mashoko asiri iwo anobudiswa mumaredhiyo, materevhizheni nemapepanhau ndiwo anoita kuti vadaro. Kune dzimwe nyika tinotonzi tiri “kapoka kane ngozi.” Tinofanira kuita sei kana tikashorwa saizvozvo?
2. Chii chichatibatsira kuti tisaora mwoyo patinoshorwa?
2 Ramba Uine Mafungiro Akanaka: Jesu nevamwe vashumiri vaJehovha vomuzana remakore rokutanga kazhinji vakanga vasinganzwisiswi uye vaishorwa. (Mab. 28:22) Asi havana kurega kushorwa kuchivaita kuti vanzwe vachinyara kuita ushumiri hwavo. Jesu akati: “Uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama nemabasa ahwo.” (Mat. 11:18, 19) Akaramba achishingairira kuita kuda kwaBaba vake, aine chivimbo chokuti vaya vaitsvaka chokwadi vaizoona kukosha kwemashoko akanaka. Kana isuwo tikayeuka kuti Mwanakomana waMwari pachake akabatwawo saizvozvo, hatizoodzwi mwoyo.
3. Sei mashoko asina kunaka anotaurwa nezvedu uye kupikiswa zvisingafaniri kutishamisa?
3 Jesu akaratidza kuti nyika yaizovenga vateveri vake sezvayakanga yamuita iye. (Joh. 15:18-20) Saka mazuva ano patinonzwa mashoko asina kunaka nezvedu uye patinopikiswa hazvifaniri kutishamisa. Chiripo ndechokuti tinotofanira kutarisira zvinhu zvakadaro patiri kuramba tichinyura mumazuva okupedzisira uye hasha dzaSatani padziri kuwedzera. (Zvak. 12:12) Tinogona kutofara pazvinoitika nokuti zvinoratidza kuti nyika yaSatani yasarirwa nenguva pfupi.
4. Kana vanhu vakasagamuchira mashoko akanaka, tinofanira kuita sei?
4 Vapindure Zvine Mutsa: Patinopindurwa zvisina kunaka, isu tinofanira kupindura nomutsa uye nounyoro nguva dzose. (Zvir. 15:1; VaK. 4:5, 6) Kana zvichiita, tingakwanisa kutsanangurira saimba anoda kunyatsonzwisisa kuti pane mashoko akawanda asiri echokwadi anotaurwa nezveZvapupu zvaJehovha kana kumubvunza kuti sei achifunga sezvaanoita. Mhinduro yedu nyoro ingaita kuti atange kuzvibvunza kana zvaakanzwa nezveZvapupu zvaJehovha zviri zvechokwadi, uye ingaita kuti panozoshanya chimwe Chapupu achiteerere. Zvisinei, kana saimba akafufutirwa nehasha, zvingava nani kubva zvedu. Tine chokwadi chokuti pasinei nemaonerwo atinoitwa nevamwe, Jehovha anokoshesa ushumiri hwedu.—Isa. 52:7.