RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/10 pp. 3-4
  • Tsamba Inobva kuDare Rinodzora

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsamba Inobva kuDare Rinodzora
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
km 3/10 pp. 3-4

Tsamba Inobva kuDare Rinodzora

Hama Dzedu Dzatinonamata Nadzo Dzatinoda:

Tine ropafadzo yakazonaka chaizvo yokudanwa nezita raChangamire wezvinhu zvose zvakasikwa, Jehovha. Zita racho rinogara nokusingaperi, harifi rakaparara uye hapana rinoenzana naro. Jehovha ndiye akaita kuti tidanwe nezita rake, uye kunyanya kutangira mugore ra1931, tave tichizivikanwa nezita iroro rinotisiyanisa nevamwe. (Isa. 43:10) Hatimbonyari kuudza vamwe kuti tiri Zvapupu zvaJehovha, tinotodada nazvo.

Dhiyabhorosi haaneti pakuedza kuita kuti zita raMwari risazivikanwe. Marudzi anoramba zita raJehovha pamusana pokuti ari kutongwa naSatani. Bhabhironi Guru, mubatanidzwa wezvitendero zvenhema zvose, rinovenga zita Mwari uye rakaribvisa mushanduro dzakawanda dzeBhaibheri. Kusiyana nezviri kuitwa neBhabhironi Guru, Jesu akarumbidza zita raBaba vake, zvokuti akatotanga kutaura nezvaro mumunyengetero womuenzaniso waakadzidzisa vateveri vake. Akati: “Saka, munofanira kunyengetera seizvi: ‘Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.’” (Mat. 6:9) Pava paya, paainyengetera nomwoyo wose kuna Baba vake, akati “Ndakaratidza vanhu vamakandipa panyika zita renyu.” (Joh. 17:6) Tichitevedzera muenzaniso wakanaka waJesu, tatsunga nemwoyo wose kuzivisa zita raJehovha pasi rose kudarika zvataiita kare.

Rugwaro rwegore ra2009, rwokuti ‘Pupurira kwazvo mashoko akanaka,’ rwakaita kuti tinyatsoita ushumiri hwedu chaizvo. (Mab. 20:24) Zviri pachena kuti Jehovha akakomborera zvikuru kushanda nesimba kwatakaita gore rebasa rapfuura. Pasi rose, uchapupu hwakakura hwakapiwa zvikaita kuti zita raJehovha rikudzwe. Nhamba itsva yepamusoro yevaparidzi 7 313 173 vakabatana pakuparidzira vanhu vose, uye pakudzidzisa vane mwoyo yakatendeseka vari kuda kuziva kuti matambudziko akawanda avari kusangana nawo zuva nezuva achapera sei. Nhamba yevanhu 18 168 323 vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu inoratidza kuti mamiriyoni akawanda angangodana pazita raJehovha mamiriro ezvinhu enyika ino asati aguma.

Chero bedzi Jehovha achiri kubvumira, ticharamba tichishingaira kuparidza mashoko akanaka oUmambo, tichiita zvose zvatinogona kuti tisvike kune vanhu vari mundima dzedu. (Mat. 24:14; Mako 13:10) Tingava tichipupurira paimba neimba, mumigwagwa, netsamba kana kuti nefoni, kana kuti zvisina kurongwa, ngatiedzei nomwoyo wose kuita kuti zita raJehovha nechinangwa chake zvizivikanwe nevanhu vakawanda chaizvo.

Tine chivimbo chokuti munguva pfupi Jehovha achaita kuti zita rake ritsveneswe. (Ezek. 36:23) Pasina nguva vose vanoshora zita iri vachatsakatiswa. Iyoyo ichava nguva inofadza zvikuru kuvashumiri vaJehovha vakavimbika, vakaita kuti zita raJehovha rizivikanwe uye vakatsigira uchangamire hwake.

Kutarisira kworudo kunoita Jehovha vanhu vake kwakanyatsooneka pamaGungano eRuwa neeMarudzi Akawanda aiva nomusoro unoti “Rambai Makarinda!” akaitwa munyika dzakawanda pasi rose gore ra2009. Magungano iwayo akaratidza kuva chinhu chikuru pakufambira mberi pazvinhu zvine chokuita nokunamata, uye akatikurudzira kuti tione kukosha kwokuramba takarinda nokuda kwezuva raJehovha.—Mako 13:37; 1 VaT. 5:1, 2, 4.

Zvechokwadi Jehovha ari kutiitira zvakanaka; anozadza mwoyo yedu nomufaro. Anoita kuti tirare mumafuro ane uswa huzhinji uye anotitungamirira kunzvimbo dzokuzororera dzine mvura zhinji.—Pis. 23:1, 2; 100:2, 5.

Ivai nechokwadi chokuti Jehovha acharamba achikukomborerai sezvamunogara muchishingaira mubasa rokuzivisa Umambo mumwedzi iri kutevera.

Tinokudai zvikuru imi hama dzedu dziri munyika yose.

Hama dzenyu,

Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe