Purogiramu Yevhiki yaMarch 15
VHIKI INOTANGA NAMARCH 15
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cf-CA chits. 1 ¶16-20, bhokisi riri pap. 13
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: 1 Samueri 5-9
Nha. 1: 1 Samueri 6:1-9
Nha. 2: Chii Chinotidzivirira Pana Satani Nemadhimoni Ake?
Nha. 3: Mufananidzo Womupfumi naRazaro Unorevei? (rs-CA p. 80 ¶1-3)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
15 min: Nyatsoshandisa Zvakanaka Yearbook ya2010. Kukurukurirana nevateereri. Kurukurai “Tsamba Inobva kuDare Rinodzora.” Muchishandisa zvimwe zvakaitika zviri muYearbook, ratidzai kuti zvinotikurudzira sei muushumiri. Kumbirai vateereri kuti vataure zvimwe zvinhu zvinofadza zvine chokuita nemushumo wenyika yose. Pedzisai nokukurudzira vanhu vose kuti vaverenge Yearbook yacho yose.
15 min: “Basa Rinokosha Zvikuru.” Kukurukurirana nemibvunzo nemhinduro. Mapedza kukurukura ndima 3, inzwai kubva kune muparidzi uyo akava nemukana wokudzidzisa munhu Bhaibheri zvinofambira mberi. Ndezvipi zvaifanira kuchinjwa nemudzidzi weBhaibheri? Izvi zvakaita kuti muparidzi anzwe sei?