Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi December 1
“Panguva ino yegore, vakawanda vanoita kuti zvinhu zvive sepakaberekwa Jesu, kuti varatidze zvinotsanangurwa pano muBhaibheri. [Verenga Mateu 2:1, 11.] Maona here kusiyana kwezvinonzi neBhaibheri ndizvo zvakaitika nezviya zvinowanzoratidzwa nevanhu? [Rega apindure.] Nyaya ino inotsanangura zvakanyatsoitika.” Muratidze nyaya iri papeji 31.
Awake! December
“Ndingada kuziva zvamunofunga nezvezvakataurwa naJesu. [Verenga Mateu 5:3.] Zvakuine zvitendero zvakawanda chaizvo zvakasiyana-siyana, munofunga kuti zvine basa here kuti tichasarudza sei kugutsa chido chedu chokunamata? [Rega apindure.] Nyaya ino inoratidza zvinotaurwa neBhaibheri panyaya yokunyatsogutsikana kungaita munhu pane zvokunamata.” Muratidze nyaya inotangira papeji 12.
Nharireyomurindi January 1
“Kune pfungwa dzezvitendero dzinopesana panyaya yekunwa doro. Munofunga kuti Mwari anoona sei munhu anonwa doro? [Rega apindure.] Kunyange zvazvo Bhaibheri richitaura kuti Jesu akambochinja mvura ikava waini, rinotaurawo izvi. [Verenga Zvirevo 23:20a.] Magazini ino inoratidza zvinotaurwa neBhaibheri zviri pakati nepakati.”
Awake! January
“Panguva ino yakaoma, vanhu vakawanda vanonzwa kuti vari kushanda zvakapfurikidza uye vari kuzvidya mwoyo. Makambonzwawo saizvozvo here? [Rega apindure.] Onai zano iri rine musoro. [Verenga Muparidzi 4:6.] Magazini ino inotaura kuti tingaisa sei basa, mhuri uye kuzorora munzvimbo yazvo. Inopawo mazano vaya vari kutsvaka basa.”