RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/09 p. 4
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
km 12/09 p. 4

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Kana pamba pacho paine vana, goverai bhuku raDzidza Kumudzidzisi Mukuru. January 2010: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Kana vanasaimba vachitova nebhuku racho, vaparidzi vangagovera chero bhuku rine mapeji 192 rakadhindwa papepa rinochinja ruvara kana kuti chero bhuku rakabudiswa 1995 asati asvika. February: Vaparidzi vangagovera bhuku rinenge riripo pane anotevera: Is There a Creator Who Cares About You?, Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, kana kuti Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? March: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Vaparidzi vanofanira kufunga nezvekutanga chidzidzo cheBhaibheri kana bhuku iri rikagoverwa kana kuti kana vanasaimba vachitova naro.

◼ Chirangaridzo cha2010 chichava pana March 30. Mapepa okukokera Chirangaridzo emutauro unoshandiswa neungano achatumirwa munguva pfupi iri kutevera. Kana mimwe mitauro ichishandiswa mundima yenyu uye muchida mapepa acho, munofanira kukurumidza kuakumbira paFomu Rokuodha Mabhuku (S-14).

◼ Chirangaridzo cha2011 chichaitwa musi weSvondo, April 17, zuva ranyura. Chiziviso ichi chafanopiwa kuitira kuti hama dzihaye dzimba dzichiri kuwanika kana paine ungano dzinoverengeka dzinoshandisa Imba yoUmambo imwe chete uye kana zvimwe zvivako zvichifanira kuzotsvakwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe