RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/09 p. 7
  • Bhokisi Remubvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remubvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Tichifanira Kuungana Kuti Tinamate Pamwe Chete?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Ungabatsirwa Sei Nemisangano yeZvapupu zvaJehovha?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kupupurira Norunhare Kunogona Kubudirira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Unoitawo Chimwe Chinhu Pamisangano yechiKristu Kuti Ivake Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
km 11/09 p. 7

Bhokisi Remubvunzo

◼ Nei kusarudza zvakanaka kuchidiwa panyaya yokushandisa runhare kuteerera misangano?

Ungano dzakawanda dzakaita kuti vaya vasingakwanisi pane dzimwe nguva kupinda misangano paImba yoUmambo pamusana pokurwara kana kuti mamwe mamiriro ezvinhu asingadzivisiki vateerere musangano vari pamba kuburikidza norunhare. Kuona kuti urongwa uhwu hwerudo hwashandisirwa vaya vanoda kubatsirwa zvechokwadi kunoda kusarudza zvakanaka uye kunyatsoronga. Saka, vakuru vanenge vachitarisira urongwa ihwohwo vangada kuronga uye kuona kuti huri kufamba sei, kuitira kuti ‘zvinhu zvose zviitike nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.’—1 VaK. 14:40.

Vakuru vachaona kuti vaparidzi vari muungano yavo vanorwara kwenguva refu kana kuti ndonda kana vaya vasingakwanisi kubva pamba nokuda kwezvimwe zvikonzero vatanga kubatsirwa. Muparidzi ari kurwara kwenguva pfupi kana kuti asiri kukwanisa kufamba, kana kuti mudzidzi weBhaibheri ari kufambira mberi asi asingakwanisi kubva pamba, angangobatsirwawo neurongwa uhwu overengwa pamwe nevanenge vapinda misangano. Kana pasina maraini erunhare anokwana vose vanoda kunyatsobatsirwa, zvichida humwe urongwa hungaitwa, hwakadai sokuvarekodhera musangano wacho kwava kuvapa.

Chokwadi, hapana chingaenzaniswa nokubatsirwa kwatinoita nokuvapo pamisangano yedu. Kuvapo paImba yoUmambo nehama dzedu kunoita kuti “tikurudzirane” uye kunobatsira vatsva zvakanaka kuti vanzwisise zvakanakira kupinda misangano. Kana tiri pamisangano yedu, tinobata zvakawanda pamienzaniso, vakuru vanokwanisa kutibatsira somunhu oga, uye tinozvionera rudo rwoushamwari rwehama. Zvakataurwa neimwe hanzvadzi yakwegura ndezvechokwadi. Pashure pokunge yambundirwa sezvayaibuda muImba yoUmambo, iyo yakati: “Haungawani zvose izvi parunhare!”—VaR. 1:11, 12.

Kufanana naAna “akanga asingamboshayikwi patemberi,” vakwegura vedu vakawanda vanogara vari pamisangano yechiKristu maererano nezvinobvumirwa neutano hwavo uye mamiriro avo ezvinhu. (Ruka 2:36, 37) Kunyange zvazvo vachishandisa runhare kuteerera misangano pavanofanira kudaro, havaoni izvozvo sezviri nani pane kupinda misangano paImba yoUmambo. Tichitevedzera muenzaniso wavo wakanaka chaizvo, ngatirambei tichifarira kuedza kuva pamisangano yedu sezvatinonamata Mwari wedu mukuru, Jehovha.—Pis. 95:1-3, 6; 122:1.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe