RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/09 p. 4
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
km 9/09 p. 4

Zviziviso

◼ September: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Pose pazvinenge zvichiita, vaparidzi pavanoshanya kekutanga, vakagovera bhuku iri, vachaedza kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. Ratidzai kuti vanasaimba vangabatsirwa sei naro nokuenzanisira muchidimbu chidzidzo cheBhaibheri. October: Magazini eNharireyomurindi neAwake! Kune anenge aratidza kufarira, goverai uye kurukurai turakiti rinonzi Ungada Here Kuziva Chokwadi? Kana vanasaimba vachitova neturakiti racho, vaparidzi vanofanira kuedza kutanga chidzidzo cheBhaibheri. November: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Kana vanasaimba vachitova nebhuku racho, vaparidzi vangagovera chero bhuku rine mapeji 192 rakadhindwa papepa rinochinja ruvara kana kuti chero bhuku rakabudiswa 1995 asati asvika. December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Kana pamba pacho paine vana, goverai bhuku raDzidza Kumudzidzisi Mukuru.

◼ Hurukuro yavose inokosha yemwaka weChirangaridzo wa2010 ichapiwa muvhiki yaApril 12, 2010. Musoro wehurukuro yacho uchazoziviswa gare gare. Ungano dzinenge dziine mutariri wedunhu kana kuti gungano kupera kwevhiki iyoyo dzichava nehurukuro iyi inokosha vhiki inozotevera yacho. Hapana ungano inofanira kuva nehurukuro yacho inokosha musi waApril 12 usati wasvika.

◼ Magungano eDunhu neMagungano Chaiwo ezuva rimwe egore rebasa ra2010, achatanga muna October. Tinokurudzira vose kuti varonge kuzopinda uye kuzobatsirwa nemashoko anopiwa panguva yakakodzera nemuranda akatendeka, akangwara.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe