RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/09 p. 4
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
km 7/09 p. 4

Zviziviso

◼ Zvichagoverwa muna July naAugust: Vaparidzi vangashandisa chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 rinenge riripo. September: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Pose pazvinenge zvichiita, vaparidzi vachaedza kutanga zvidzidzo zveBhaibheri pavanoshanya kekutanga vakagovera bhuku iri. Ratidzai kubatsirwa kungaita vanasaimba nebhuku racho nokuenzanisira muchidimbu chidzidzo cheBhaibheri. October: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Kune anenge aratidza kufarira, goverai uye kurukurai turakiti rinonzi Ungada Here Kuziva Chokwadi? Kana vanasaimba vachitova neturakiti racho, vaparidzi vanofanira kuedza kutanga chidzidzo cheBhaibheri.

◼ Purogiramu yemusangano wevhiki inotangira Gungano Reruwa rinoti “Rambai Makarinda!” ingagadziriswa kuitira kuti mudzokorore mazano uye zviyeuchidzo zvokupinda gungano. Mwedzi mumwe kana miviri gungano raitwa, nguva yezvemuungano yenyu ingashandiswa kudzokorora pfungwa dzegungano dzinobatsira muushumiri.

◼ Misi yeGungano Reruwa rokuChinhoyi yachinjirwa kuna August 28-30, 2009. Nzvimbo yacho haina kuchinja.

◼ Gungano Reruwa rekwaMutare rava kuzoitirwa paChancellor Junior School. Misi yacho haina kuchinja.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe