Purogiramu Yevhiki yaMay 11
VHIKI INOTANGA NAMAY 11
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
lv-CA mashoko okuwedzera, kamusoro kari pap. 209 kusvika pane kari pap. 212
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Eksodho 27-29
Nha. 1: Eksodho 29:1-18
Nha. 2: Nzira Yokuwana Nayo Mufaro (lr-CA chits. 17)
Nha. 3: Kuvimba Nezvatisingafanire Kuvimba Nazvo uye Ngozi Dzacho
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
10 min: Ungaita Upiyona Hwebetsero Mumwedzi Iri Kuuya Here? Kukurukura nevateereri mashoko ari pamapeji 112-113 ebhuku raTakarongwa. Taurai zvinodiwa kuti munhu ave piyona webetsero, uye kumbirai vaya vakamboita upiyona hwebetsero kuti vataure kukomborerwa kwavakaita.
10 min: Semhuri, Gadzirirai Zvamuchanotaura Muushumiri! Bvunzai muchidimbu vanababa vaviri vanoshandisa imwe nguva yeKunamata Kwemhuri kugadzirira zvavachanotaura muushumiri. Vanogadzirira sei, uye kugadzirira kwakadaro kwave kuchibatsira sei? Mumwe wavo ngaaenzanisire kushandisa kwavanoita nguva yakadaro kuita chaizvo zvavanozoita mubasa rokugovera magazini.
10 min: “Dzidzisa Zviri Nyore Kunzwisisa.” Kukurukurirana nemibvunzo nemhinduro.