Zviziviso
◼April naMay: Goverai magazini eNharireyomurindi neMukai! Pamunoshanyirazve vanhu vanofarira, kusanganisira vaya vanopinda Chirangaridzo kana kuti mumwewo wemisangano yedu asi vasingapindi nguva dzose, edzai kugovera bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Chinangwa chacho chinofanira kuva chokutanga kudzidza Bhaibheri muchishandisa bhuku iroro. June: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Kana vanasaimba vachitova nebhuku racho, vaparidzi vangagovera chero bhuku rine mapeji 192 rakadhindwa papepa rinochinja ruvara kana kuti rakabudiswa 1992 asati asvika.
◼ Pachava nomushandira pamwe wokuzivisa gungano reruwa ra2009 nemagungano enyika dzakawanda achaitwa munyika yose. Vaparidzi vachava nomukana wokuparadzira hendibhiri rinokosha mundima yavo. Mushandira pamwe wacho unofanira kuitwa vhiki nhatu gungano reungano yacho risati raitwa.
◼ Vaparidzi vose vachawana mabheji kuungano dzavo. Vachapinda magungano enyika dzakawanda vachangoshandisa mabheji iwayo.
◼ Kana ukaronga rwendo uye uchida kunopinda misangano yeungano, kana kuti magungano mune imwe nyika, chikumbiro chako chemashoko ane chokuita nemisi, nguva, uye nzvimbo chinofanira kutumirwa kubazi rinoona nezvebasa munyika iyoyo. Kero dzehofisi dzemapazi dzakarongwa papeji yokupedzisira yeBhuku Regore rino.
◼ Tapota onai kuti: Misi yegungano rokuBulawayo reShona nereZulu haisisiri August 7-9 asi yava August 14-16, 2009. Nzvimbo ichiri Bulawayo Trade Fair.