Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga naApril 27, 2009. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 20 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaMarch 2 kusvika kuvhiki yaApril 27, 2009.
1. Josefa akaitei kuti arambe muedzo waaisangana nawo zuva nezuva? (Gen. 39:7-12) [lv-CA p. 105 ndima 18–p. 106 ndima 20]
2. Bhaibheri rinoratidzei nezvokuchengeta mazuva okuberekwa? (Gen. 40:20-22) [lv-CA p. 150 ndima 9–p. 151 ndima 11]
3. Josefa muenzaniso wakanaka wokukanganwira vaya vanenge vatitadzira pakudini? (Gen. 45:4, 5) [w99-CA 1/1 p. 31 ndima 2-3]
4. Zvakataurwa naJosefa zvokuti: ‘Munofanira kubudisa mapfupa angu muno’ zvakabatsirei? (Gen. 50:25) [w07-CA 6/1 p. 28 ndima 10]
5. Chii chingaita kuti tive nechivimbo patinopiwa basa rakaoma? (Eks. 4:10, 13) [w04-CA 3/15 p. 25 ndima 4]
6. Nzira yakashandiswa naJehovha kubata naFarao yakaguma nei, uye zvakaitika izvi zvinofanira kuita kuti tiite sei? (Eks. 9:13-16) [w05-CA 5/15 p. 21 ndima 8]
7. Eksodho 14:30, 31 inorevei muzuva redu? [w04-CA 3/15 p. 26 ndima 5]
8. Sezvatinogona kuona pana Eksodho 16:1-3, kunyunyuta kune ngozi dzipi? [w93-CA 3/15 p. 21 ndima 1-3]
9. Maererano nezvaidiwa neSungano yoMutemo zviri pana Eksodho 19:5, 6, zvinganzi vaIsraeri vaiva “umambo hwevapristi norudzi rutsvene” kusvika papi? [w95-CA 7/1 p. 16 ndima 8]
10. Mutemo wechigumi une chokuita nokuchochora unopfuura mitemo yakaitwa nevanhu munzirai? (Eks. 20:17) [w06-CA 6/15 p. 23-24 ndima 16]