Purogiramu Yevhiki yaFebruary 16
VHIKI INOTANGA NAFEBRUARY 16
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Genesisi 29-31
Nha. 1: Genesisi 29:1-20
Nha. 2: Chikonzero ‘Chekurega Kuzvidya Mwoyo’ (Mat. 6:25)
Nha. 3: Kuteerera Kunokudzivirira (lr-CA chits. 7)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
15 min: “Ita Zvinhu Zvose Nokuda Kwemashoko Akanaka.” Kukurukurirana nemibvunzo nemhinduro.
15 min: Ungaita Upiyona Hwebetsero Here Mumwaka Uno weChirangaridzo? Hurukuro inopiwa nechido nomutariri webasa. Taura zvinodiwa pakuita upiyona hwebetsero. Rondedzera mufaro uye zvikomborero zvinobva pakuita upiyona hwebetsero. Tsanangura urongwa hweungano yenyu hwekuita misangano yokuwedzera yebasa romumunda muna March, April, naMay. Bvunzurudza vaparidzi vaviri kana vatatu vakaita upiyona hwebetsero gore rapera.Vakagadzirisei papurogiramu yavo? Vakawana zvikomborero zvipi? Kurudzira mhuri imwe neimwe kuti ikurukure kuti munhu mumwe kana kupfuura mumhuri angaita sei upiyona hwebetsero mumwaka weChirangaridzo uri kuuya.