RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/09 p. 4
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
km 1/09 p. 4

Zviziviso

◼ January 2009: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Kana vanasaimba vachitova nebhuku racho, vaparidzi vangagovera chero bhuku rine mapeji 192 rakadhindwa papepa rinochenuruka kana kuti chero bhuku rakabudiswa 1992 asati asvika. February: Govera rimwe remabhuku anotevera, kana aripo, Is There a Creator Who Cares About You?, Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, kana kuti Bhaibheri​​—⁠⁠iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? March: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edza nepaunogona napo kutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu.

◼ Kutanga nevhiki yokutanga muna March, hurukuro yavose itsva yevatariri vematunhu ichange ichiti, “Ramba Zviroto Zvenyika, Tsvaka Zvinhu Chaizvo zvoUmambo.”

◼ Ungano dzinofanira kuita urongwa hwakakodzera kuti dzichengete Chirangaridzo gore rino musi weChina, April 9, zuva ranyura. Ungano imwe neimwe inofanira kuedza kuchengeta Chirangaridzo iri yoga. Kana paine ungano dzinoverengeka dzinoshandisa Imba yoUmambo imwe chete, zvichida ungano imwe chete kana dzinopfuura dzinogona kushandisa imwe nzvimbo manheru iwayo. Pazvinenge zvichiita, tinokurudzira kuti purogiramu dzacho dzinge dzakaparadzana nemaminitsi asiri pasi pe40 kuitira kuti vose vabatsirwe zvakazara nokushamwaridzana pashure peChirangaridzo. Nemhaka yokukosha kweChirangaridzo, pakusarudza mukurukuri, dare revakuru rinofanira kusarudza mumwe wevakuru vanokwanisa zvikuru kuti akurukure, pane kungoita madzoro kana kuti kushandisa hama imwe chete gore negore. Kana paine mukuru anokwanisa akazodzwa uye achigona kupa hurukuro yacho, anofanira kusarudzwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe