RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/08 p. 4
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 7/08 p. 4

Zvokutaura Maererano Nemagazini

Nharireyomurindi July 1

“Munofunga kuti zvinoita here kuti vanhuwo zvavo vave noukama hwepedyo naMwari Wemasimbaose? [Rega apindure. Zvadaro verenga Mabasa 17:​27.] Nyaya iyi inokurukura kuti nei tichigona kuva nechokwadi chokuti Mwari anoda kuti tive pedyo naye.” Muratidze nyaya inotangira papeji 10.

Awake! July

“Zvinhu zvakawanda zvinobudiswa muvaraidzo mazuva ano zvinoratidza kuti vanhu vava kunyanya kufarira zvouroyi. Munofunga kuti kuita zvouroyi hakukuvadzi here? [Rega apindure. Zvadaro verenga Dheuteronomio 18:​10-12.] Nyaya ino inoratidza zvinotaurwa neBhaibheri nezvezvakaipira kuita zvemidzimu.” Muratidze nyaya inotangira papeji 10.

Nharireyomurindi Aug. 1

“Nyaya dzinokosha dzine chokuita nezvezvakatipoteredza dziri kuita kuti vanhu vakawanda vasave netariro yakanaka nezveremangwana repasi. Munofungei nezvazvo? [Rega apindure. Zvadaro verenga Pisarema 37:​11.] Magazini ino inoratidza zvimwe zvikonzero zviri muMagwaro zvokuti tive netariro.”

Awake! Aug.

“Vakawanda vanobvuma kuti kupisa kuri kuita nyika kuri kuisa pangozi upenyu hwezvinhu zviri pasi pano. Munofunga kuti nyaya iyi ichagadziriswa sei? [Rega apindure. Zvadaro verenga Isaya 11:⁠9.] Magazini ino inotsanangura kuti nei pasina mubvunzo kuti pasi richaramba riri musha wevanhu.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe