RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/08 p. 1
  • Rarama Uchifunga Nezvezuva raJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rarama Uchifunga Nezvezuva raJehovha
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Anogona Kukubatsira Kugadzirira Zuva Rake Guru
    Rarama Uchifunga Nezvezuva raJehovha
  • Zuva raJehovha—Nyaya Inokosha
    Rarama Uchifunga Nezvezuva raJehovha
  • Fadza Mwari Nomufambiro Wako uye Zvaunoita
    Rarama Uchifunga Nezvezuva raJehovha
  • Mashoko aJehovha Epanguva Iyoyo Uye Iye Zvino
    Rarama Uchifunga Nezvezuva raJehovha
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 7/08 p. 1

Rarama Uchifunga Nezvezuva raJehovha

1 “Zuva guru raJehovha rava pedyo. Rava pedyo, uye riri kukurumidza kwazvo.” (Zef. 1:​14) Zefaniya nevamwe vaprofita gumi nomumwe vanonzi Vaprofita Vakaderera, vakararama vachifunga nezvezuva raJehovha. Kuongorora mashoko avakanyora akafuridzirwa paChidzidzo Chebhuku Cheungano semarongerwo aakaitwa mubhuku rinonzi Rarama Uchifunga Nezvezuva raJehovha, kuchatibatsira kugadzirira zuva rinotyisa iroro.​—⁠Zef. 2:​2, 3.

2 Zvarinazvo: Pane kuti ritsanangure zvazvinofananidzira kana kutsanangura ndima imwe neimwe yemabhuku 12 ouprofita, Zuva raJehovha rinotsanangura kuti mashoko akafuridzirwa aya anoshanda sei mune zvinhu chaizvo zvatinosangana nazvo zuva rimwe nerimwe. Rinosimbisa kuti tinofanira kugara tichifunga kuti zuva iroro rava pedyo zvikuru uye kuti tinofanira kufunga nezvaro pane zvatinosarudza uye pane zvatinoita. Nyaya dzemhuri, kushamwaridzana nevatinonamata navo, zvinotivaraidza, ushumiri hwedu, mabasa atichazoda kuita, zvose izvi zvinokurukurwa imomo.

3 Chikamu 1 chebhuku iri chinotisuma kuvaprofita 12 ava uye zvavakanyora. Vaimbova vanaani? Zvii zvavakasangana nazvo zvatiri kusanganawo nazvo? Chikamu 2 chinonyanya kutaura nezvaJehovha uye unhu hwake. Vaprofita ava vanotibatsira sei kuti tinzwisise Jehovha uye unhu hwaanahwo? Chikamu 3 chinonyanyawo kutaura nezvomufambiro wedu uye zvatinoita nevamwe. Tingagara sei tichifadza Mwari nomufambiro wedu? Chikamu 4 chinotsanangura kuti tingararama sei tichifara panguva imwe chete tichiramba takamirira zuva raJehovha.

4 Ronga Iye Zvino Kuti Ubatsirwe: Gara watsunga kuti ubatsirwe zvikuru nokudzidza Zuva raJehovha, iro richatanga kudzidzwa muvhiki yaAugust 4, 2008! Ronga kuti uve paChidzidzo Chebhuku Cheungano vhiki imwe neimwe. Nyatsogadzirira chidzidzo chimwe nechimwe, uchiverenga magwaro kuti uone kuti anopindirana sei nezviri kudzidzwa. Fungisisa mashoko acho uchizvibvunza kuti, ‘Ndingashandisa sei mashoko aya kumba, kuchikoro, kubasa, muushumiri, uye pane zvandinogara ndichiita nehama nehanzvadzi dzangu dzechiKristu?’ Uya kuchidzidzo chebhuku wakagadzirira kupindura kuti ukurudzirane nevamwe.​—⁠VaR. 1:⁠12.

5 Tinovimba kuti kuongorora kwatichaita Zuva raJehovha kuchaita kuti tigadzirire iye zvino, kuti ‘titsunge’ pazuva “guru uye rinotyisa kwazvo” raJehovha. Chokwadi zuva iroro rava pedyo zvikuru!​—⁠Joe. 2:⁠11.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe