Chikamu 1
Mwari Anogona Kukubatsira Kugadzirira Zuva Rake Guru
“Zuva guru raJehovha rava pedyo,” akadaro muprofita waMwari. (Zefaniya 1:14) Zuva iroro riri kukurumidza kuuya, saka tinofanira kurarama tichifunga nezvaro. Unoziva here kuti vanonzi Vaprofita Vaduku vane chimwe chinhu chinokosha chokukuudza nezvezuva guru iroro? Zvitsauko 1 kusvika ku3 zvebhuku rino zvichakubatsira kuziva vaprofita 12 ivavo uye zvavanonyanya kutaura nezvazvo mumabhuku avo. Saka unogona kubatsirwa nezvavakanyora, uchiwana zvidzidzo zvinobatsira muupenyu hwako.