RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/08 pp. 2-7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 4/08 pp. 2-7

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna April naMay: Nharireyomurindi neAwake! Tinofanira kuedza kushanyira vanhu vatsva vanofarira vanenge vauya kuChirangaridzo uye kuhurukuro inokosha asi vanenge vasingapindi misangano yeungano. Chinangwa chokuvashanyira chinofanira kunge chiri chokutanga kudzidza Bhaibheri nevaya vanenge vasati vava kudzidza. June: Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu kana kuti Bhaibheri—Ishoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? Ungano dzisina mabhuku aya dzingagovera bhuku rinonzi Namata Mwari Wechokwadi Bedzi. July: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera ringashandiswa: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here?, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, Rambai Makarinda!, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva,” Unofanira Kudavira Utatu Here?, uye Zita raMwari Richagara Nokusingaperi.

◼ Mabheji egungano reruwa a2008 achangotumirwa neodha dzemabhuku. Hatifaniri hedu kuaodha. Kana ungano ichida mamwe mabheji inofanira kuaodha neFomu Rokuodha Mabhuku (S-14). Zvibatiso zvepurasitiki zvinofanira kuodherwa vaya vanenge vachizvida vari muungano.

◼ Vanyori veungano vanofanira kuchengeta mafomu akakwana anoti Fomu Rokukumbira Basa Roupiyona Hwenguva Dzose (S-205) neFomu Rokukumbira Basa Roupiyona Hwebetsero (S-205b). Mafomu aya anogona kuodhwa neFomu Rokuodha Mabhuku (S-14). Chengetai anokwana gore rose. Musati matumira mafomu okukumbira basa roupiyona hwenguva dzose kuhofisi yebazi, ivai nechokwadi chokuti akazadzwa zvakakwana.

◼ Zvinokosha kuti hofisi yebazi igare nekero nenhamba dzorunhare zvevatariri vanotungamirira nevanyori vose zvinenge zvichishanda panguva iyoyo. Kana paine zvinenge zvachinja, Dare Rebasa Reungano rinofanira kuzadza, rosaina, uye rokurumidza kutumira fomu rinonzi Kuchinja Kwekero yoMutariri Anotungamirira/yoMunyori (S-29) kuhofisi yebazi. Izvi zvinosanganisira kuchinja kwenhamba yorunhare yomunharaunda yenyu.

◼ Zvirongwa zvokufamba pazvinosanganisira kupinda misangano yeungano, gungano redunhu, kana kuti gungano reruwa kune imwe nyika, chikumbiro chemashoko ane chokuita nemisi, nguva, uye nzvimbo chinofanira kutumirwa kuhofisi yebazi inotarisira basa racho munyika iyoyo. Kero dzehofisi dzemapazi dzakarongwa papeji yokupedzisira yeYearbook yegore rino.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe