Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naApril 28, 2008. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaMarch 3 kusvika kune yaApril 28, 2008.
UNYANZVI HWOKUTAURA
1. Nei zvichikosha kuti tivakire hurukuro dzedu pamashoko atakapiwa, uye tingazviita sei? [be-CA p. 234 ndima 1–p. 235 ndima 1]
2. Nei mibvunzo ichikosha zvikuru patinenge tichidzidzisa? [be-CA p. 236 ndima 1-5]
3. Mibvunzo ingabatsira sei vateereri vedu kuti vafunge nezvenyaya yatinenge tichikurukura? [be-CA p. 237 ndima 3–p. 238 ndima 2]
4. Patinenge tichidzidzisa, nei kubvunza mibvunzo nounyanzvi kuchikosha pakuita kuti muteereri abudise zvaanofunga? (Zvir. 20:5; Mat. 16:13-16; Joh. 11:26) [be-CA p. 238 ndima 3-5]
5. Nei zvichikosha kushandisa fananidzo patinenge tichidzidzisa? (Gen. 22:17; Jer. 13:11) [be-CA p. 240 ndima 1-3]
HURUKURO NHA. 1
6. Ndeipi mimwe mirayiridzo inotungamirira iri mubhuku raMako ichatibatsira kuti tiwane upenyu muUmambo hwaMwari? [si-CA p. 186 ndima 32]
7. Mudzimu mutsvene unobatsira sei vashumiri vaMwari nhasi? (Joh. 14:25, 26) [be-CA p. 19 ndima 2-3]
8. Kuverenga kunonyanya kutibatsirei? [be-CA p. 21 ndima 3]
9. Kudzidza kunosanganisirei? [Apr. 14, be-CA p. 27 ndima 3–p. 28 ndima 1]
10. Evhangeri yaRuka inowedzera sei kuvimba kwatinoita kuti Magwaro echiHebheru akafuridzirwa naMwari? [si-CA p. 192 ndima 30-1]
KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI
11. Nei Jesu akaruramisa mumwe murume akamuti “Mudzidzisi Akanaka”? (Mako 10:17, 18) [w08-CA 2/15p. 30 “Shoko raJehovha Ibenyu—Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raMako”]
12. Jesu akashandisa muonde kuenzanisira chii nezvorudzi rwaIsraeri? (Mako 11:12-14, 20, 21) [w03-CA 5/15 p. 26 ndima 2-3]
13. Mashoko akashandiswa nengirozi Gabrieri payakati Mariya ‘aizobata pamuviri’ zvichikonzerwa nokuburuka kwomudzimu mutsvene waMwari paari uye nokufukidzwa nesimba raMwari airevei? (Ruka 1:30, 31, 34, 35) [w08-CA 3/15p. 30 “Shoko raJehovha Ibenyu—Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raRuka”; it-2 p. 56 ndima 2]
14. Vadzidzi vaJesu vakanga vachinyatsoita zvakanga ‘zvisingatenderwi nomutemo paSabata here’? (Ruka 6:1, 2) [gt-CA 31]
15. Tinodzidzei pazano iro Jesu akapa Marita? (Ruka 10:40-42) [w99-CA 9/1 p. 31]