Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna March: Bhaibheri Rinombodzidzisei? Edza nepaunogona napo kutanga kudzidza Bhaibheri nomumwe munhu. April naMay: Nharireyomurindi neAwake! Tinofanira kuedza kushanyira vanhu vatsva vanofarira vanenge vauya kuChirangaridzo uye kuhurukuro inokosha asi vanenge vasingapindi misangano yeungano. Chinangwa chokuvashanyira chinofanira kunge chiri chokudzidza Bhaibheri nevaya vanenge vasati vava kudzidza. June: Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu kana kuti Bhaibheri—Ishoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? Ungano dzisina mabhuku aya dzingagovera bhuku rinonzi Namata Mwari Wechokwadi Bedzi.
◼ Ungano dzinofanira kupa vaparidzi magazini matsva eNharireyomurindi neAwake! padzinongoagamuchira. Izvi zvichaita kuti vaparidzi vajairane nezviri maari vasati vaagovera mubasa romumunda. Ushumiri Hwedu hwoUmambo hunofanira kupiwa vaparidzi nokukurumidza huchangosvika.
◼ Mumwe munhu anosarudzwa nomutariri anotungamirira anofanira kuongorora akaunzi dzeungano dzemwedzi yaDecember, January, naFebruary. Munhu mumwe chete iyeye haafaniri kushandiswa kanotevedzana pakuongorora akaunzi. Kana mapedza kuongorora kwacho, ungano inofanira kuziviswa pamushumo weakaunzi unotevera.—Ona Mirayiridzo Yeakaunzi Dzeungano (S-27).
◼ Musoro wegungano reruwa ra2008 unoti, “Kutungamirirwa Nomudzimu waMwari.” Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaApril huchange huine mashoko anobatsira ezvamungaita pamunenge muchipedzisa kuronga kupinda purogiramu yose yegungano iri remazuva matatu. Kana muchida kukumbira nguva yokusava pabasa kuti mupinde mazuva ose matatu, musazeza kuita kudaro.
◼ Hofisi yebazi haiiti odha dzemabhuku dzomuparidzi mumwe chete. Vaparidzi vanofanira kuodha mabhuku avo nokuungano. Mutariri anotungamirira anofanira kuronga kuti chiziviso chipiwe mwedzi mumwe nomumwe odha yemabhuku eungano yomwedzi mumwe nomumwe isati yatumirwa kubazi kuitira kuti vose vanoda kuwana mabhuku vazivise hama inotarisira mabhuku. Tapota garai muchiziva kuti mabhuku api ari zvinhu zveodha chaiyo. (Ungano inofanira kungoaodha bedzi kana paine vati vanoada.) Fomu Rokuodha Mabhuku (S-14) rinofanira kutumirwa nokukurumidza mwedzi woga woga kunyange kana muchingoda zvinhu zvishomanana chete.
◼ Vanotarisira magazini vanofanira kuona kuti vari kugamuchira magazini mangani eNharireyomurindi yokudzidza neyevoruzhinji uyewo eAwake! Kana vari kugamuchira akawandisa kana kuti mashoma, vanofanira kugadzirisa vokurumidza kutumira vachishandisa Fomu Rokuodha Magazini Eungano M-202. Zivai kuti zvinogona kutora mwedzi mishomanana kuti zvizochinja.
◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha mabhaundi vhoriyamu eWatchtower neAwake! a2007. Mabhaundi vhoriyamu achawanika muChinese (Traditional), Chirungu neFrench. Mabhaundi vhoriyamu aya achawanika pakanzi “zvakamirirwa” pamapepa anotumirwa ungano kusvikira ava kuwanikwa uye atumirwa. Mabhaundi vhoriyamu zvinhu zveodha chaiyo.
◼ Mabhuku Matsva Aripo:
Uya Uve Muteveri Wangu—Chirungu, French, Shona, Xhosa, Zulu
Uya Uve Muteveri Wangu—Mabhii Makuru—Chirungu, French, Xhosa, Zulu
Is Your Life Ruled by Fate? (Turakiti Nhamba 81)—Chinese (Simplified)