RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/08 p. 7
  • Bhokisi Remibvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remibvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Nei Mapfekero Edu Nekuratidzika Kwedu Zvichikosha?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Zvipfeko Zvakagadzirwa Zvakanaka Zvinoratidza Kuremekedza Mwari
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 3/08 p. 7

Bhokisi Remibvunzo

◼ Tinofanira kupfeka sei patinenge tichishanyira zvivako zvinoshandiswa pakushumira Jehovha?

Pasi pose, Dzimba dzoUmambo, Dzimba Dzemagungano, misha yeBheteri, uye zvivako zvemapazi inzvimbo dzinokosha dzakatsaurirwa pakushumira Jehovha. Zvivako izvi zvakanaka zvine mwero, zvakachena, zvakarongeka, uye zvinoremekedzeka. Chokwadi zvakasiyana zvikuru nezviri munyika yaSatani. Kana tikashanyira zvivako zvinoshandiswa pakushumira Jehovha, tinofanirawo kuzivikanwa sevanhu vaJehovha, vanenge vachiita kuda kwake.

Zvatiri vaKristu, “tinoratidza kuti tiri vashumiri vaMwari” muzvinhu zvose, kusanganisira kupfeka nokushambidzika zvakakodzera. (2 VaK. 6:3, 4) Tinotarisirwawo kuzvibata. Nguva dzose kupfeka kwedu nokushambidzika zvinofanira kuratidza mwero uye ruremekedzo runokodzera vashumiri vaJehovha Mwari. Izvi zvakanyatsokodzera zvikuru patinoshanyira muzinda mukuru uri kuNew York uyewo mapazi ari pasi pose.

Richitaura nezvokukosha kwokuti tipfeke uye tishambidzike zvakakodzera, bhuku rinonzi Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha rinotaura kuti tinofanira kunge takachena mumuviri, takapfeka zvine mwero, uye takashambidzika zvakanaka patinenge tiri muushumiri hwomumunda uye patinopinda misangano yechiKristu. Zvadaro, papeji 138, ndima 3, rinoti: “Yeuka kuti, zita rokuti Bheteri rinoreva “Imba yaMwari.” Naizvozvo, mapfekero edu, kushambidzika, uye maitiro zvinofanira kuva zvakafanana nezviya zvatinotarisirwa kuita patinenge tichipinda misangano yokunamata paImba yoUmambo.” Aya ndiwo mapfekero anofanira kuitwa nevaparidzi voUmambo vanenge vachishanyira Bheteri vachibva munharaunda dziri pedyo uyewo vaya vanobva kure. Kana akapfeka saizvozvo, mushanyi anenge achiratidza kuti ari kuonga uye ari kuremekedza zvivako izvi.—Pis. 29:2.

Zvatinopfeka zvinofanira kuratidza kuti tiri vanhu “vanoti vanotya Mwari.” (1 Tim. 2:10) Kupfeka uye kushambidzika zvakakodzera kunoita kuti vamwe varemekedze kunamatwa kwechokwadi kwaJehovha. Zvisinei, zvakacherechedzwa kuti dzimwe hama nehanzvadzi padzinenge dzichishanyira zvivako zvinoshandiswa pakushumira Jehovha, dzinopfeka zvipfeko zvisina mwero zvokunosharanganya nazvo, zvouyanga, kana kuti zvinoonesa muviri. Zvipfeko zvakadaro hazvina kukodzera vaKristu chero panguva ipi zvayo. Panyaya iyi, sezvatinongoitawo mune humwe upenyu hwedu hwechiKristu, tinofanira kuratidza kuti tiri vanhu vaMwari uye takanyatsosiyana nenyika, tichiita zvinhu zvose kuti Mwari akudzwe.—VaR. 12:2; 1 VaK. 10:31.

Saka paunoshanyira muzinda mukuru kana kuti zvimwe zvivako zvemapazi, pasinei nokuti wakazvironga here kana kuti uri pazororo munzvimbo dzinoshanyirwa, zvibvunze kuti: ‘Mapfekero angu nokushambidzika zvinoratidza mwero, kuchena uye kuremekedzeka kwenzvimbo yandiri kushanyira here? Zvinoita kuti Mwari wandinonamata aremekedzwe here? Vamwe vangavhiringidzwa kana kuti vangagumburwa here nemapfekero angu?’ Nguva dzose ‘ngatishongedze dzidziso yoMuponesi wedu, iye Mwari, muzvinhu zvose’ nemapfekero edu nokushambidzika kwedu!—Tito 2:10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe