RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/07 p. 4
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 9/07 p. 4

Zvokutaura Maererano Nemagazini

Nharireyomurindi Sept. 15

“Ndingada kuziva zvamunofunga pamusoro pezvinotaurwa apa. [Verenga Dheuteronomio 32:4.] Makambozvibvunza here kuti nei munyika muine kutambura uye zvakaipa zvakawanda kudai kana Mwari aine masimba ose uye achiruramisira? [Rega apindure.] Magazini ino inotsanangura kuti nei Mwari akarega zvakaipa zvichiramba zviripo kusvikira nhasi.”

Awake! Sept.

“Vakawanda tinoda utano hwakanaka uye kurarama kwenguva refu. Munofunga kuti kuramba tiine tariro kunogona kuita kuti utano hwedu huve nani here? [Rega apindure. Zvadaro verenga Zvirevo 17:22.] Nyaya ino inotaura kuti nei zvichikosha kuti tishandire kuva netariro.” Ratidza nyaya iri papeji 26.

Nharireyomurindi Oct. 1

“Makambokungura here muchiti, ‘Dai ndakaziva!’? [Rega apindure.] Onai zvinotaurwa pano pamusoro pokuti nei tichimboita zvinhu zvatinozozvidemba. [Verenga Jeremiya 10:23.] Magazini ino inotsanangura kubatsirwa kwatinoitwa nemazano anoshanda ari muBhaibheri pakusarudza zvakanaka.”

Awake! Oct.

“Munofunga kuti mazuva ano vana vari mungozi kupfuura kare here? [Rega apindure.] Vakawanda vanofunga kuti tiri kurarama munguva dzinotsanangurwa apa. [Verenga 2 Timoti 3:1-5.] Magazini ino ine mazano anoshanda okuti vabereki vangachengetedza sei vana vavo pavanhu vanochinya vana.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe