RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/08 p. 4
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 9/08 p. 4

Zvokutaura Maererano Nemagazini

Nhareyomurindi Sept. 1

“Munofunga kuti tingawanepi mazano angatibatsira pakuita zvisarudzo zvinokosha? [Rega apindure. Verenga Zvirevo 3:5, 6.] Nyaya ino inoratidza kuti uchenjeri hwaMwari hunotibatsira kutanga tafunga zvingaguma zvaitika tisati tasarudza zvokuita.” Muratidze nyaya iri papeji 8.

Awake! Sept.

“Munofunga kuti Mwari aida kuti vanhu vatambudzike nokushaya zvokudya kuri kuitika munyika nhasi here? [Rega apindure.] Onai zvakarongwa naMwari kuti agadzirise dambudziko iri. [Verenga Pisarema 72:16.] Nyaya ino inotsanangura kuti Mwari achaita sei kuti nyika ive zvakare Paradhiso.” Nyaya yacho iri papeji 7.

Nharireyomurindi Oct. 1

“Munguva dzino dzisina kugadzikana, vakawanda vanonetseka pamusoro peramangwana. Chii chinokubatsirai kuti muve nemaonero akanaka? [Rega apindure.] Onai zvinovimbiswa neBhaibheri. [Verenga Isaya 65:17.] Magazini iyi inoratidza zvikonzero zvinogutsa zvinoita kuti titarisire remangwana nechivimbo.”

Awake! Oct.

“Indaneti inobatsira chaizvo, asi ine zvayakaipira kuvana. Munofunga kuti tingavadzivirira sei? [Rega apindure.] Ndapota onai pfungwa iyi. [Verenga uye ratidza kushanda kunoita Zvirevo 18:1.] Iyi ndeimwe yepfungwa nhanhatu dzinobva muBhaibheri dzinotaurwa munyaya ino kubatsira vabereki kudzivirira vana vavo.” Nyaya yacho iri papeji 8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe