RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/07 pp. 5-7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 8/07 pp. 5-7

Zviziviso

August: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, Rambai Makarinda!, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva,” Unofanira Kudavira Utatu Here? uye Zita raMwari. September: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edza chaizvo kutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu pakushanya kwokutanga. Kana vanasaimba vaine bhuku iri, ratidza kuti vangabatsirwa sei naro nomuenzaniso mupfupi wemadzidzire amungaita Bhaibheri. October: Nharireyomurindi neAwake! Kana vanhu vakafarira ratidza uye kurukura turakiti rinonzi Ungada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here? uine chinangwa chokutanga kudzidza Bhaibheri nomumwe munhu. November: Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Kana munhu akati haana vana, govera bhurocha rinonzi Rambai Makarinda!

◼ Sezvo September aine kupera kwevhiki kushanu, uchava mwedzi wakanakisisa kuita upiyona hwebetsero.

◼ Vakuru vanoyeuchidzwa kuita zvinorayirwa pamapeji 21-3 eNharireyomurindi yaApril 15, 1991, zvine chokuita nevakadzingwa kana kuti vakazvibvisa musangano vangava vachida kudzorerwa.

◼ Ungano dzinofanira kuodha zvinotevera neodha dzadzo dzemabhuku dzinotevera:

Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2008

2008 Yearbook of Jehovah’s Witnesses

Izvi zvinhu zveodha chaidzo zvinofanira kungoodhwa kana paine vanhu vanozvida. Zvichaonekwa pamapepa emabhuku anenge atumirwa zviri pakanzi “Zvakamirirwa” kusvikira zvava kuwanika. Ungano inofanira kuziviswa odha isati yaendeswa pakaunda yemabhuku uye Mutarisiri weMabhuku anofanira kukurumidza kutumira odha yemabhuku kuhofisi yebazi. Mutariri anotungamirira anofanira kuva nechokwadi chokuti odha hadzisi kunonoka kutumirwa. Zvinoda kuronga zvakanaka. Hapana urongwa hwokuodha zvinhu nechimbi-chimbi kana kuti hwokuzotora zvinhu zvacho kuBheteri. Kuti musaodha zvakawandisa, Mutariri Webasa anofanira kuva nechokwadi chokuti ungano inongoodha chete zvinhu zvichashandiswa.

◼ Ungano hadzifaniri hadzo kuodha kabhuku keKunzvera Magwaro Zuva Nezuva ka2008 sezvo kachatumirwa maererano nemitauro uye kuwanda kwoUshumiri Hwedu hwoUmambo. Zvisinei, kana ungano dzichida twemimwe mitauro, kana kuwedzera, tapota tumirai odha. Munofanira kunyatsonyora paFomu Rokuodha Mabhuku (S-14) kuti “Iyi iodha yokuwedzera pane zvakatumirwa.” Kana zvikasadaro, inongosiyiwa yakadaro.

◼ Zvakafanira kuti hofisi yebazi igare nekero nenhamba dzorunhare zvevatariri vanotungamirira nevanyori vose zvinenge zvichishanda panguva iyoyo. Pose pazvinochinja, Dare Rebasa Reungano rinofanira kukurumidza kuzivisa hofisi yebazi. Izvi zvinosanganisira kuchinja kwenhamba yomunharaunda yenyu yorunhare. Pose pazvinoita, tinoda nhamba yorunhare kana yeserura yeungano imwe neimwe kuti tikwanise kukurukurirana munguva dzokukurumidzira. Iyi inogona kuva nhamba yepachikoro, pakiriniki pachitoro zvomunharaunda imomo kana yomuvakidzani anoziva dzimwe hama. Tapota tangai makurukura navo kuti vakubvumirei kufonerwa panhare dzavo musati matipa nhamba yacho.

◼ Mabhuku Matsva Aripo:

Watchtower Publications Index 2006 (dx06)— Chirungu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe