Purogiramu Yomusangano Webasa
Onai Kuti: Musangano Webasa wevhiki imwe neimwe ucharongwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo mumwedzi yaAugust naSeptember. Ungano dzingagadziridza sezvinodiwa kuti dzipinde Gungano Reruwa rinoti: “Tevera Kristu!” Pazvakakodzera, shandisai maminitsi 15 paMusangano Webasa wokupedzisira musati mapinda gungano kudzokorora mazano akakodzera ari muwedzero yomwedzi waApril ayo anoshanda muungano yenyu. Mwedzi mumwe kana kuti miviri mabva kugungano, shandisai maminitsi 15 kusvika ku20 paMusangano Webasa (zvichida muchishandisa chikamu chezvinodiwa muungano) kudzokorora pfungwa huru dzegungano. Kudzokorora kwacho kuchakurukurwa nomutariri webasa. Kumbira vateereri kutaura kuti vari kushandisa sei mashoko acho kana kuti vari kuronga kuzoashandisa sei muushumiri hwavo.
Vhiki Inotanga naJuly 9
10 min: Zviziviso zveungano. Uchishandisa mazano ari papeji 4 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJuly 15 uye Awake! yaJuly.
15 min: Chii Chinounza Mufaro Wechokwadi? Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kunobva muNharireyomurindi yaMay 15, 2006 mapeji 28-9, ndima 11-12. Bvunzurudza kwenguva pfupi munhu akasarudza kuisa ushumiri pakutanga muupenyu hwake pane kutsvaka mafaro kana kuti basa rokunyika. Chii chakaita kuti ave nezvinangwa izvi zvine chokuita nokunamata? Izvi zvakamuunzira sei mufaro?
20 min: Bhokisi Remibvunzo. Richakurukurwa nomukuru. Verenga uye kurukura nyaya yacho yose. Taurawo pfungwa dziri muAwake! yaMay 22, 2005, mapeji 13-14 pasi pemisoro miduku inoti, “The Dangers of Deception and Secrecy” uye “Choosing the Real Over the Virtual.”
Rwiyo 91 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJuly 16
10 min: Zviziviso zveungano.
20 min: Kuita Kuti Ungano Irambe Iine Rugare Uye Yakachena. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva mubhuku rinonzi Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha, kubva papeji 144 kusvika pamusoro muduku uri papeji 150.
15 min: “Kuchinja Kunofadza kweNharireyomurindi!”a
Rwiyo 189 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJuly 23
10 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba inobva kubazi yokutenda mari yakatumirwa. Uchishandisa mazano ari papeji 4 kana dzimwe mharidzo dzakakodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaAugust 1 uye Awake! yaAugust.
20 min: Gamuchiranai Zvakanaka. Hurukuro inobva muNharireyomurindi yaJanuary 15, 2005 mapeji 21-3. Bvunzurudza kwenguva pfupi muparidzi mumwe kana kuti vaviri vanozivikanwa nokugamuchira vaeni zvakanaka. Vave vachiitei kuti vagamuchire vaeni? Ivo nemhuri dzavo vakaguma vawana zvikomborero zvipi?
15 min: Kugadzirira Mharidzo Dzinobudirira. Kukurukurirana nevateereri kunobva mubhuku rinonzi Kurangarira papeji 9, ndima 1-2. Iva nemienzaniso miviri inoratidza zvichagoverwa muna August.
Rwiyo 61 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJuly 30
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaJuly.
15 min: Kuzvipira Kunounza Chikomborero chaJehovha. Hurukuro inobva muNharireyomurindi yaNovember 15, 2005 mapeji 8-9.
20 min: “Anofara Munhu Anoramba Achitsungirira Muedzo.”b Pakukurukura ndima 3, kumbira vateereri kuti vataure kuti kuva nokutenda kwakavabatsira sei pakauya muedzo vasingafungiri. Ungafanoronga nomumwe chete kana kuti vaviri vachataura.
Rwiyo 13 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naAugust 6
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.
15 min: Zvinodiwa muungano.
20 min: “Chinoita Kuti Tidzokere Tadzokerazve.”c Pakukurukura ndima 5 kumbira vateereri kuti vataure zvakavaita kuti vazofarira chokwadi asi pakutanga vaishora uye vasingafariri.
Rwiyo 211 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.