Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna June: Mufarwa Wemhuri. July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera ringashandiswa: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, Rambai Makarinda!, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva,” Unofanira Kudavira Utatu Here?, uye Zita raMwari. September: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edza chaizvo kutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu pakushanya kwokutanga. Kana vanasaimba vaine bhuku iri, ratidza kuti vangabatsirwa sei naro nomuenzaniso mupfupi wemadzidzire amungaita Bhaibheri.
◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu waanosarudza anofanira kuongorora akaunzi dzeungano dzemwedzi yaMarch, April naMay. Kana mapedza kuongorora kwacho, ungano inofanira kuziviswa pamushumo weakaunzi unotevera.—Ona Mirayiridzo Yeakaunzi Dzeungano (S-27).
◼ Ungano dzinofanira kuodha mafomu akakwana eGore Rebasa ra2008 paodha dzadzo dzinotevera. Mafomu anotevera haafaniri kuodhwa nokuti achangotumirwa pamwe chete nemafomu amunotumirwa gore negore anoti: Hamvuropu Dzemakadhi Emishumo (rce), Mushumo Weungano (S-1), Fomu Rokuodha Mabhuku (S-14), Fomu Rokutumira Mari Yemipiro (S-20), Mushumo Wokuongorora Akaunzi Dzeungano (S-25), Pepa Reakaunzi (S-26) uye Mushumo Weakaunzi Dzeungano Womwedzi Nomwedzi (S-30). Tapota fomu rimwe nerimwe ngaringoshandiswa pabasa raro chete.
◼ Mafomu epagore, eGore Rebasa ra2008 achatumirwa kuungano imwe neimwe nokukurumidza ari mumahamvuropu mahombe nokuungano inotarisira. Sezvo mazita eungano dzinotarisirwa asipo pahamvuropu, Mutarisiri Wemabhuku anofanira kunyatsotarisa mashoko ari papepa rezvatumirwa ova nechokwadi chokuti ungano imwe neimwe yawana odha yayo nokukurumidza.
◼ Mabhuku Matsva Aripo:
Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene—Hombe (bi8)—Xhosa neZulu.
Imbirai Jehovha Rumbidzo—Mashoko Chete (nziyo 100) (sb100)—Venda
Watch Tower Publications Index 2001-2005 (dx01-05)—Swahili
Shingairira Kuverenga Nokunyora—Shona
◼ MaCompact Discs Matsva Aripo:
Kingdom Melodies— Chirungu