RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/07 pp. 5-7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 2/07 pp. 5-7

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna February: Swedera Pedyo naJehovha kana kuti chero mabhuku akawandisa pane amuinawo ekare. March: Bhaibheri Rinombodzidzisei? uye edza chaizvo kutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu. April naMay: Nharireyomurindi neAwake! Pakudzokerazve kune vanhu vanofarira, kusanganisira vaya vanopinda Chirangaridzo uye/kana kuti zvimwe zviitiko zvine chokuita nokunamata asi vasingapindi neungano nguva dzose, edza chaizvo kugovera Bhaibheri Rinombodzidzisei?, uine chinangwa chokutanga kudzidza Bhaibheri nomumwe munhu.

◼ Munyori nomutariri webasa vanofanira kuongorora basa remapiyona ose enguva dzose. Kana paine vari kuomerwa nokusvitsa maawa anodiwa, vakuru vanofanira kuronga kuti vabatsirwe. Kuti muwane mazano, dzokororai tsamba dzepagore dzeS-201.

◼ Hurukuro chaiyo yomwaka weChirangaridzo cha2007 ichava nomusoro unoti “Unogona Kunzwa Wakachengeteka Munyika Ino Yatambudzika!” Ona chiziviso chakafanana muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 2006.

◼ Vatarisiri Vemabhuku uye Vanyori Veungano: Pamunoridzira bazi runhare kana matumirwa mabhuku asiri enyu, tapota ivai nepepa rezvakatumirwa pedyo pazvinenge zvichibvira. Kana muchinyorera hofisi yebazi, tapota tumirai pepa rezvakatumirwa.

◼ Nharireyomurindi neAwake! iri pakaseti muChirungu nechiPutukezi zvichaguma kutanga nemagazini aJuly 2007. Odha dziripo iye zvino dzichakanzurwa panguva iyoyo. Tapota tarisai peji yevabudisi yemagazini acho muone kuti munogona kuaodha ari sezvakaratidzwa ipapo nokuungano. Ichi chiyeuchidzowo chokuti nokufamba kwenguva mamwe makaseti nemakaseti evhidhiyo achagumiswa zvishoma nezvishoma, otsiviwa neCD-ROM uye maDVD.

◼ Kana muchida kuridzira bazi runhare uye nhamba yacho ichiramba, edzai imwe yenhamba dzatinadzo. Tinokuyeuchidzai kuti nhamba dzebazi ndeidzi: 04-332137, 04-332138, 04-307246, 011-604-892, 091-850-834 uye 091-850-835. Nhamba dzefax ndeidzi 04-307247.

◼ MaDVD Matsva Aripo:

Young People Ask—What Will I Do With My Life? Zvino yava kuwanikwa iine Mitauro Yakawanda:—Chirungu, French, German, Italian, Japanese, chiPutukezi, Russian neSpanish paDVD imwe chete.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe