RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/07 p. 7
  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 2/07 p. 7

Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naFebruary 26, 2006. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaJanuary 1 kusvika kune yaFebruary 26, 2006. [Ona kuti: Panenge pasina kuratidzwa bhuku rinobva mashoko acho pamberi pomubvunzo, uchafanira kutsvakurudza woga kuti uwane mhinduro dzacho.—Ona Chikoro Choushumiri, map. 36-7.]

UNYANZVI HWOKUTAURA

1. Pahurukuro, ndepapi patinofanira kuratidza kubatsira kwemashoko acho, uye zvinofanira kuitwa sei? [be-CA p. 158 ndima 1-3]

2. Nei zvichikosha kuti tibatsire vamwe kuti vaone kubatsira kunoita mashoko atinenge tichitaura, uye tingazviita sei? [be-CA p. 159 ndima 2-3]

3. Nei kusarudza kwedu mashoko kuchikosha? [be-CA p. 160]

4. Chii chichatibatsira kuti tishandise mashoko akasiyana-siyana zvakarurama? [be-CA p. 161 ndima 5-6; p. 162 ndima 1, 4]

5. Ndezvipi zvakanakira kukurukura zvawakaronga mumusoro kana kuti zvichibva papepa rehurukuro? [be-CA p. 166 ndima 1-3]

HURUKURO NHA. 1

6. Zvii zvinobatanidzwa pakugadzirira hurukuro yokuverenga? [be-CA p. 43 ndima 2, 4]

7. Chii chinokosha kana tichizova nemaonero aJehovha okuda zvakanaka uye okuvenga zvakaipa? (VaH. 5:14) [w05-CA 1/1 p. 9 ndima 11]

8. Tinofanira kuyeukei kana tikaverenga chimwe chinhu muBhaibheri chinoita kuti tisava nechokwadi chokuti Mwari akaita nenzira yakanaka kana kuti yakarurama? [w05-CA 2/1 p. 24 ndima 7]

9. Tinofanira kuitei kana mutemo waMwari uchirwisana nemitemo yevanhu? [w05-CA 4/15 p. 12 ndima 9]

10. Ndezvipi zvinotaura Isaya nezvoUmambo hwaMesiya, uye nezveakafanotaura nezvake, Johani Mubhabhatidzi? [si-CA p. 123 ndima 35]

KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI

11. “Chifukidziro” uye “chirukwa” zvinotaurwa pana Isaya 25:7 chii?

12. Vanhu vanogona sei ‘kuona’ uye ‘kunzwa’ Jehovha? (Isa. 30:20, 21)

13. Chokwadi kana kuti Nhema: Munyengetero waHezekiya wakanyorwa pana Isaya 38:3 unoratidza kuti chido chake chaingova chokuti ararame kwenguva refu.

14. VaIsraeri vaizova sei zvapupu zvaJehovha, uye tingavatevedzera sei? (Isa. 43:10)

15. Maererano nomuenzaniso wouprofita wakanyorwa pana Isaya 52:11, 12, chii chinodiwa paku‘takura midziyo yaJehovha’?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe