RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/06 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 12/06 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Kana kuti chero rimwe remabhuku anotevera: Bhaibheri—iShoko raMwari Here?, Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, uye Kurarama Nokusingaperi kana ungano iinawo. January: Bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakadhindwa papepa rinochinja ruvara kana kuti chero bhuku rakabudiswa 1991 asati asvika. Kana ungano yenyu isina mabhuku akadaro, shandisa Zivo kana kuti Rambai Makarinda! February: Swedera Pedyo naJehovha kana kuti chero mabhuku akawandisa pane amuinawo ekare. March: Bhaibheri Rinombodzidzisei? uye edza chaizvo kutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu.

◼ Mapepa okukokera Chirangaridzo a2007 achatumirwa nokukurumidza mumutauro mukuru weungano yenyu. Kana mimwe mitauro ichitaurwa mundima yenyu uye kana muchida mapepa okukokera mumitauro iyoyo, anofanira kuodhwa nokukurumidza sezvamungagona paFomu Rokuodha Mabhuku (S-14).

◼ Tapota onai kuti Chirangaridzo chegore ra2008 chichange chiripo musi woMugovera, March 22, zuva ranyura. Chiziviso ichi chapiwa pachine nguva kuitira kuti hama dzihaye dzimba dzinowanikwa kana paine ungano dzinoverengeka dzinoshandisa Imba yoUmambo imwe chete uye kana zvimwe zvivako zvichifanira kuzotsvakwa. Muzviitiko zvakadaro, vakuru vanofanira kuita chibvumirano nevatarisiri chinovimbisa kuti hapazovi nezvinovhiringidza zvinenge zvichiitwa muchivako chacho. Nemhaka yokukosha kweChirangaridzo, dare revakuru rinofanira kusarudza mumwe wevakuru anokwanisa zvikuru kuti akurukure, pane kungoita madzoro kana kuti kushandisa hama imwe chete gore negore. Zvisinei, kana paine mukuru akazodzwa anogona kupa hurukuro yacho, anofanira kusarudzwa.

◼ Mabhuku Matsva Aripo:

Watch Tower Publications Index 2001-2005 Chirungu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe