Purogiramu Yomusangano Webasa
Vhiki Inotanga naDecember 11
10 min: Zviziviso zveungano. Uchishandisa mazano ari papeji 8 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaDecember 15 uye Awake! yaDecember. Mune mumwe wemienzaniso yacho, ratidza zvokuita kumunhu angangoda kuramba kukurukurirana achiti “Ini handifariri.”—Ona bhuku raKurangarira, papeji 16.
15 min: Chikoro chaMwari Choushumiri Cha2007. Hurukuro uye kubvunzurudza vateereri kuchaitwa nomutariri wechikoro. Kurukura pfungwa dzinoda kusimbiswa muungano yenyu kubva muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 2006. Tsanangura kuti mutariri wechikoro haafanotauri unyanzvi hwokutaura huri kushandirwa nomudzidzi. Sezvo tichapedza kuverenga Magwaro echiHebheru kubva pana Isaya 24 kusvikira panoperera Maraki muna 2007, gore rino pachava nomukana wokuti hama dzinogadzirira kupa pfungwa huru dzatinowana muBhaibheri uye vamwe vanotsinhira kuti vashandise mabhuku edu aya anojekesa uprofita. Bvunzurudza vaparidzi vaviri kana vatatu pane vanotevera: mudzidzi mutsva, mudzidzi wechiduku ari kufambira mberi zvakanaka, uye mudzidzi ane ruzivo. Ngavataure zvavanobatsirwa nazvo nechikoro muushumiri hwavo uye mukunamata kwavo. Kurudzira vose kuti vashingairire kupa hurukuro dzavo, kutaura pfungwa huru dzatinowana muBhaibheri, uye kushandisa mazano anotaurwa vhiki nevhiki anobva mubhuku rinonzi Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri.
20 min: “Usasiya Rudo Rwawaimbova Narwo.”a Kana nguva iripo, kumbira vateereri kuti vatsinhire magwaro akanyorwa.
Rwiyo 193 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naDecember 18
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Kurukura Bhokisi Remibvunzo. Taura nezvourongwa hunokosha hwebasa romumunda hwomusi waDecember 25 naJanuary 1.
15 min: “Dzokerazve Kune Vose Vanenge Vatombofarira.”b Kumbira vateereri kuti vataure kuti vave vachiwana sei mashoko kubva kune vanhu vanofarira vavakaona pavakanga vachiparidza zvisina kurongwa kana kuti pavakanga vachiita basa remagazini uye ngavataure zvakaitika zvinokurudzira pavakadzokerazve kune vakadaro. Ungafanoronga nevamwe vacho, mumwe chete kana kuti vaviri.
20 min: “Kunzwa Uchida Kubatsira Kunounza Zvikomborero.”c Bvunzurudza muparidzi mumwe chete kana kuti vaviri vanozivikanwa nokuda kubatsira kwavo. Vakaratidza sei kuti vanoda kubatsira? Zvii zvaifanira kugadziriswa, uye vakazviita sei? Zvikomborero zvipi zvavakawana somugumisiro wacho?
Rwiyo 108 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naDecember 25
10 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba inobva kubazi yokutenda mari yakatumirwa. Uchishandisa mazano ari papeji 8 kana dzimwe mharidzo dzakakodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJanuary 1 uye Awake! yaJanuary. Kana mharidzo imwe neimwe yapera, bvunza mubvunzo unoita kuti munhu afunge ungazopindurwa pakushanya kunotevera uchishandisa Bhaibheri Rinombodzidzisei?
15 min: Zvinodiwa muungano.
20 min: “Une Ndima Yako Here?”d Taurawo mashoko mashoma anobva kumutariri webasa nezvomuganhu wendima yeungano yenyu, kuti ndima yacho iri kushandwa kakawanda sei, uye kana ndima dzokupa vanhu dziripo.
Rwiyo 219 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJanuary 1
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaDecember.
20 min: Kutaura Nezvokufambira Mberi Kwoushumiri. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva mubhuku rinonzi Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha, kubvira pamusoro muduku uri papeji 83 kusvikira panoperera chitsauko chacho.
15 min: “Gungano Reruwa reZvapupu zvaJehovha Ra2007 Rinoti ‘Tevera Kristu!’”e Inopiwa nomunyori weungano. Kurudzira vose kuti vakurumidze kuita urongwa hwokupinda gungano.
Rwiyo 65 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
e Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.