RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/06 p. 1
  • Tsamba yeBazi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsamba yeBazi
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Mashoko Akafanana
  • Iri Ndiro Ringava Basa Rakanakisisa Kwauri Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Ungada Kubatsira Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Kurangarira Nokuonga “Imba yaMwari”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Munhu Wose Ari Kukokwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 9/06 p. 1

Tsamba yeBazi

Vaparidzi voUmambo Vanodiwa

Gore rebasa ra2006 rapera vanhu vaJehovha vakabatikana zvikuru kupfuura nakare kose uye tava kutarisira mberi kugore rebasa ra2007. Tinoziva kuti mose mave makabatikana nokutsigira mabasa ane chokuita nokunamata munzira dzakawanda pasinei zvapo nezvinetso zviri kukonzerwa ne“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo” dzatiri kurarama madziri.

Tinofara kukuzivisai kuti mugore rebasa rapfuura Imba yoUmambo Inogona Kuitwa Kuti Ikure yechipiri yakapera kuvakwa kwaMutasa uye yakatotanga kushandiswa kupindira magungano. Tiri kuronga kuvaka dzimwe Dzimba dzoUmambo Dzinogona Kuitwa Kuti Dzikure ina munguva yemberi.

Hapana mubvunzo kuti tose zvedu takafara zvikuru patakanzwa kuti Dare Rinodzora rabvumira kuti pave neImba Yemagungano muHarare. Basa riri kutoitwa paImba Yemagungano iyi uye tinovimba kuti ichange yapera pakupera kwa2007. Ichi chichava chikomborero chikuru kuungano 140 dziri muHarare neChitungwiza dzichashandisa imba iyi.

Tinoda kukutendai mose nokushanda kwenyu nesimba kutsigira zvinhu zvine chokuita noUmambo nokushingaira kwenyu kuparidzira, nokuvaka kwenyu Dzimba dzoUmambo uye kudzichengetedza uye rudo rwamunoratidza somunhu mumwe nomwe kuvanamati vaJehovha vanoda kubatsirwa. Jehovha ngaarambe achikomborera unhu hwamunoratidza.—VaFiripi 4:23.

Hama dzenyu

Hofisi yeBazi reZimbabwe

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe