RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/06 p. 3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 8/06 p. 3

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna August: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 rakakodzera ringashandiswa. September: Bhaibheri Rinombodzidzisei? Edza kutanga kudzidza Bhaibheri nomumwe munhu pakushanya kwokutanga. Dzokerazve kune vanhu vose vakatora mabhuku uine chinangwa chokutanga kudzidza Bhaibheri navo. October: Nharireyomurindi neAwake! Kana vanhu vakafarira ratidza bhurocha raRambai Makarinda! kuti ubatsire vanhu vacho kuwedzera kufarira Bhaibheri. November: Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Kana vanhu vakati havana vana, govera turakiti rinoti Ungada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here? kana kuti rimwe rakakodzera.

◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu waanosarudza anofanira kuongorora akaunzi dzeungano musi waSeptember 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Kana muine imwe akaundi yokubhengi, yakadai seyokugadzirisa imba yoUmambo kana kuti yezvinodiwa zveImba yoUmambo, munofanirawo kuronga kuti akaundi iyi iongororwe. Kana mapedza kuongorora kwacho, ungano inofanira kuziviswa pamushumo weakaunzi unotevera.

◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2007, Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva—2007, uye 2007 Yearbook of Jehovah’s Witnesses neodha dzadzo dzemabhuku dzinotevera. Kuti zvinhu izvi zvichange zvichiwanika mumitauro ipi zvicharatidzwa mu“Zviziviso Kuungano Dzose,” zvomwedzi nomwedzi.

◼ Musi woMugovera, September 23, 2006, hofisi yebazi muHarare ichange yakavharwa nokuda kwokuchenesa kunoitwa muchirimo. Pachange pasina urongwa hwokuratidza vanhu zvivako kana hwokuti ungano dzizotora mabhuku musi iwoyo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe