Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naAugust 28, 2006. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaJuly 3 kusvika kune yaAugust 28, 2006. [Ona kuti: Panenge pasina kuratidzwa bhuku rinobva mashoko acho pamberi pomubvunzo, uchafanira kutsvakurudza woga kuti uwane mhinduro dzacho.—Ona Chikoro Choushumiri, map. 36-7.]
UNYANZVI HWOKUTAURA
1. Kutarisana nevateereri kunotibatsira sei kuti tive vadzidzisi vari nani? (Mat. 19:25, 26; Mab. 14:9, 10) [be-CA p. 124 ndima 3–p. 125 ndima 3]
2. Nei zvichikosha kuva akasununguka, uye chii chingatibatsira kuti tisununguke patinenge tiri muushumiri hwomumunda? [be-CA p. 128 ndima 1-5, bhokisi]
3. Nei tichifanira kuva nehanya nokuva vakachena? [be-CA p. 131 ndima 1-3]
4. Kuva no“mwero nepfungwa dzakanaka” kunofanira kuita kuti tipfeke uye tishambidzike sei? (1 Tim. 2:9) [be-CA p. 131 ndima 4–p. 132 ndima 1]
5. Mazano api ari muBhaibheri atinofanira kushandisa kuti tive nechokwadi chokuti chitarisiko chedu hachiratidzi kuti tinoda nyika? [be-CA p. 133 ndima 2-3]
HURUKURO NHA. 1
6. Rubatsiro rupi rukuru runobva pakuverenga? [be-CA p. 21 ndima 3]
7. Chii chinoratidza kuti munhu akachenjera kana kuti ibenzi? (Zvir. 14:2) [w04-CA 11/15 p. 26 ndima 5]
8. Nei ‘zivo iri chinhu chiri nyore kumunhu anonzwisisa’? (Zvir. 14:6) [w04-CA 11/15 p. 28 ndima 4-5]
9. Chii chinonzi kudzidza? [be-CA p. 27 ndima 3]
10. Kufungisisa mabasa aJehovha okusika kunofanira kutibatsira sei? [w04-CA 11/15 p. 8 ndima 4]
KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI
11. Kare, Jehovha ‘akataura’ sei zvakaguma neuto guru re“vakadzi vanozivisa mashoko akanaka,” uye izvozvi zvinoshanda sei nhasi? (Pis. 68:11)
12. Chii chakapotsa chaita kuti Asafi arege kuita zvakarurama, uye kufunga kwake kwakagadziridzwa sei? (Pis. 73:2, 3, 17)
13. Nei mana yakapiwa vaIsraeri yakanzi “zviyo zvokudenga” uye “chingwa chevane simba”? (Pis. 78:24, 25)
14. “Nzvimbo yakavanda yoWokumusorosoro” chii, uye ‘tingagaramo’ sei? (Pis. 91:1, 2)
15. Rufu rwevanhu vakavimbika vaJehovha rwakakosha mumeso ake munzirai? (Pis. 116:15)