Purogiramu Yomusangano Webasa
Vhiki Inotanga naMay 8
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Uchishandisa mazano ari papeji 4 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaMay 15 uye Awake! yaMay. Mune mumwe wemienzaniso yacho, ratidza muparidzi achigovera Nharireyomurindi yaMay 1 neyaMay 15 uye Awake! yaMay kune munhu waanogara achiendesera magazini asi asati awana Nharireyomurindi yaMay 1. Pakugovera magazini acho ari matatu, taura nezveimwe chete bedzi. Vaparidzi vangashanyira vanhu vavanogara vachiendesera magazini kamwe chete kana kuti kaviri pamwedzi.
20 min: “Rambai Muchinditevera.”a Bvunzurudza kwenguva pfupi muparidzi ane muenzaniso wakanaka uyo anoedza kuti arambe achirarama upenyu huri nyore uye asinganyanyi kutsvaka zvakawanda-wanda achiitira kuti aite zvakawanda pakufambisira mberi zvinhu zvine chokuita noUmambo uye kuti ashumire vamwe. Taura zvikomborero zvaanowana nokuita izvozvo.
15 min: Zvakaitika zvomuungano. Kumbira vateereri kuti vataure nezvezvikomborero zvavakawana pavakanga vachishanda nesimba muushumiri muna March naApril. Taura migumisiro yakavapo pakutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu uye kubatsira vatsva kuti vapinde Chirangaridzo. Chakaitika chimwe kana kuti zviviri zvakanaka zvingadzokororwa semaitikiro azvakaita.
Rwiyo 91 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naMay 15
10 min: Zviziviso zveungano. Kurudzira vose vanokwanisa kuti vaone vhidhiyo inonzi Noah—He Walked With God pakugadzirira Musangano Webasa wevhiki yaMay 29.
10 min: Kushanda Takabatana Tichitungamirirwa naKristu. Hurukuro inobva pamashoko ari pasi pomusoro muduku unoti “Kuziva Basa Rake Kunorevei?” pamapeji 14-15 ebhuku raTakarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha.
25 min: “Kuvaka Dzimba dzoUmambo—Chimwe Chezvinhu Zvinokosha Zvebasa Dzvene.”b Bvunzurudza chero munhu akamboita basa rokuvaka kana kuti rokugadziridza Dzimba dzoUmambo.
Rwiyo 133 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naMay 22
12 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba dzinobva kubazi dzokutenda mari yakatumirwa. Uchishandisa mazano ari papeji 4 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJune 1 neAwake! yaJune. Pakuronga mienzaniso yacho, ratidza mhuri iri kudzidzira mharidzo.
15 min: “Ratidza Kuti Unonyatsofarira Vanhu—Nokuva Nenyasha.”c Pakukurukura ndima 4, dzokorora kwenguva pfupi bhokisi rinoti “Unotii Kumuchina Wokudavira?” riri papeji 2 yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 2000.
18 min: Kutarisika Zvakanaka. Kukurukurirana nevateereri kubva mubhuku reChikoro Choushumiri, pamapeji 131-3. Kurukura zvinhu zvishanu zviri ipapo zvinofanira kutevedzerwa zvine chokuita nemapfekero uye kushambidzika kwedu. Taura kuti tingashandisa sei nokuchenjera mashoko aya kuti tibatsire vari kudzidza Bhaibheri kuti vanzwisise kuti vopfeka sei zvakanyatsokodzera misangano yeungano.
Rwiyo 215 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naMay 29
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaMay.
10 min: Govera bhuku raMudzidzisi muna June. Uchishandisa mazano ari pamapeji 3-4 oUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2005 kana dzimwewo mharidzo dzakakodzera mundima yenyu, enzanisira kugoverwa kwebhuku raDzidza Kumudzidzisi Mukuru. Kana nguva iripo, ita kuti vateereri vataure zvakanaka zvavakawana pavakanga vachishandisa bhuku racho mubasa romumunda kana kuti vaine mhuri dzavo.
25 min:“Muenzaniso Wemazera Ose.” Wasuma kweisingapfuuri miniti imwe, ibva watanga kukurukurirana nevateereri mibvunzo iri muvhidhiyo yaNoah, uchishandisa mibvunzo yose yakanyorwa mundima yechipiri. Zvadaro bvunza mhuri kuti dzakabatsirwa sei nokuita zvinotaurwa muDVD yacho pachikamu chinoti “Learning Activities.” Pashure paizvozvo, kurukura mubvunzo uye magwaro ari mundima yechitatu. [Kana kuti ungakurukura izvi: “Tichafamba Nezita raJehovha Mwari Wedu.” Kukurukurirana kunobva muNharireyomurindi yaSeptember 1, 2005, pamapeji 18-22, ndima 1-5, 9-10, 17-19.]
Rwiyo 9 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJune 5
10 min: Zviziviso zveungano.
15 min: Zvinodiwa muungano.
20 min: Nzira Yokubudirira Nayo Pakushanyazve. Kukurukurirana nevateereri kubva pabhokisi riri papeji 16 yeNharireyomurindi yaNovember 15, 2003. Kurukura rimwe nerimwe remazano manomwe aripo, uye kumbira vateereri kuti vataure kuti angashandiswa sei mundima yenyu. Kurudzira vaparidzi kuti vadzokerezve vaine chinangwa chokutanga kudzidza Bhaibheri nevose vanogamuchira mabhuku kana kuti vanenge varatidza kuti vanofarira. Uchishandisa rimwe remazano ari papeji 6 yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2006, enzanisira kuti ungakumbira sei kudzidza Bhaibheri nomunhu pakudzokerazve.
Rwiyo 57 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.