Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naApril 24, 2006. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaMarch 6 kusvika kune yaApril 24, 2006. [Ona kuti: Panenge pasina kuratidzwa bhuku rinobva mashoko acho pamberi pomubvunzo, uchafanira kutsvakurudza woga kuti uwane mhinduro dzacho.—Ona Chikoro Choushumiri, map. 36-7.]
UNYAZVI HWOKUTAURA
1. Pakudzidzisa, nei tichifanira kumbomira, patinochinja pfungwa imwe neimwe, asi chii chingatitadzisa kuzviita? [be-CA p. 98 ndima 2-3]
2. Nei zvichikosha kumbomira pakupupurira vamwe? [be-CA p. 99 ndima 5–p. 100 ndima 4]
3. Nei kusimbisa pfungwa kuchikosha pakupa hurukuro, uye tingagona sei kusimbisa pfungwa zvakanaka? [be-CA p. 101 ndima 1-5, bhokisi]
4. Pakuverengera vanhu, tingava sei nechokwadi chokuti pfungwa huru dzenyaya yedu dzasimbiswa? [be-CA p. 105 ndima 1-6]
5. Nei inzwi rakakodzera richikosha pakudzidzisa, uye tingaziva sei kuti iri ndiro rakakodzera? [be-CA map. 107-8]
HURUKURO NHA. 1
6. Mamiriro ezvinhu evaKristu nhasi akafanana sei neomuzuva raEsteri naModhekai, uye tingatevedzera sei muenzaniso wavo? [si-CA p. 94 ndima 17]
7 . Soromoni paakati “zvinhu zvose zvakanga zvisina zvazvinobatsira uye kuri kudzingana nemhepo,” akanga achitsanangura chii? (Mup. 2:11) [w04-CA 10/15 p. 4 ndima 3-4]
8 . Tingakudziridza sei kuda Mwari? (Mako 12:30) [w04-CA 3/1 map. 19-21]
9 . Kusiyana kupi kuripo pazvinhu zvine chokuita nokunamata uye kunyanya kuda zvinhu zvokunyama? [w04-CA 10/15 map. 5-7]
10. Chii chingatibatsira kuteerera pamagungano edunhu kana kuti pamagungano oruwa pasina kutsauswa? [be-CA map. 15-16]
KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI
11. Nei chiso chaHamani chakanga chakafukidzwa? (Est. 7:8)
12. Mudzimu worudzii wakanga uchiumba mafungiro aErifazi? (Job. 4:15, 16) [w05-CA 9/15 p. 26 ndima 2]
13. Mashoko aJobho ari pana Jobho 7:9, 10 uye Jobho 10:21 anoratidza kuti akanga asingadaviri rumuko here?
14. Jobho angangove airevei paakati “Ndasiyirwa ganda rameno angu?” (Job. 19:20, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona)
15. Jobho airevei paakati: “Handizorasi kuvimbika kwangu kusvikira ndafa,” uye tinodzidzei pane izvozvi? (Job. 27:5)