Vechiduku Vari Kupenya Sezvinhu Zvinovheneka
1. Bhaibheri rinoratidza sei kuti vaKristu vaizoonekwa kuti vakasiyana nevamwewo vanhu, uye mashoko iwayo anoshanda sei kuvaKristu vechiduku nhasi?
1 Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Imi muri chiedza chenyika.” (Mat. 5:14, 16) Seguta riri pamusoro pegomo, rinopenya muchiedza chezuva, vaizoonekwa. Nhasi, vaKristu vechiduku vakawanda vari ‘kupenya sezvinhu zvinovheneka munyika’ nomufambiro wavo wakarurama uye kuparidzira vachishingaira.—VaF. 2:15; Mar. 3:18.
2. Ndedzipi dzimwe nzira dzaungashandisa kuparidzira vadzidzisi uye vaunodzidza navo?
2 Kuchikoro: Ungaparidzira sei kuchikoro? Vamwe vechiduku vakashandisa mukana wokukurukura kunoitwa mukirasi pazvidzidzo zvine chokuita nokushandiswa kwezvinodhaka, kushanduka-shanduka kwezvinhu, uye kutsigira zvenyika—kungotaura zvishomanana. Imwe hanzvadzi payakanzi inyore rondedzero ine chokuita nougandanga yakashandisa mukana wacho kuti ipupurire nezvoUmambo hwaMwari setariro yechokwadi yevanhu. Mudzidzisi wacho akafara chaizvo nerondedzero yairatidza kuti akanga anyatsofunga, uye izvi zvakaita kuti pave nomukana wokupupurirazve.
3. Ungaita sei kuti chiedza chako chipenye kuchikoro kuburikidza nomufambiro wako?
3 Imwe nzira yokupenya nayo sechinhu chinovheneka ndeyomufambiro wako, mapfekero uye kushambidzika zvine mwero. (1 VaK. 4:9; 1 Tim. 2:9) Vamwe vadzidzi uye vadzidzisi pavanoona kuti tsika dzako dzakasiyana nedzevamwe, zvingaita kuti vamwe vade chokwadi pamusana pomufambiro wako wakanaka zvokupa mukana wokuvaudza chokwadi cheBhaibheri. (1 Pet. 2:12; 3:1, 2) Kuva nomufambiro unodiwa naMwari kungasava nyore, asi Jehovha achakukomborera zvikuru. (1 Pet. 3:16, 17; 4:14) Kuti mashoko akanaka afarirwe, ungaverenga bhuku reBhaibheri panguva dzokumbozorora kana kuti kurisiya parinogona kuonekwa nevamwe.
4. Ndezvipi zvimwe zvinobatsira kana ukaparidzira kuchikoro?
4 Kuita kuti chiedza chako chipenye kuchikoro kunosimbisa kutenda kwako uye kunokubatsira kuti unzwe uchidadirira kuti unoshumira Jehovha. (Jer. 9:24) Izvozvowo zvinodzivirira. Imwe hanzvadzi yakati, “Chimwe chakanakira kutaura nezvezvandinotenda ndechokuti vandinodzidza navo havaedzi kundimanikidza kuita zvinhu zvisingaenderani nezvinotaurwa neBhaibheri.”
5. (a) Vamwe vechiduku vari kuwedzera sei ushumiri hwavo? (b) Ndezvipi zvinangwa zvako mune zvokunamata?
5 Kuwedzera Ushumiri: Imwe nzira iyo vechiduku vakawanda vari kupenya nayo sezvinhu zvinovheneka ndeyokuwedzera ushumiri hwavo. Yapedza chikoro chesekondari, imwe hama yakatamira kwaidiwa vazivisi voUmambo zvikuru. Yaipinda neungano duku yaiva nomukuru mumwe chete. Yakanyorera shamwari yayo kuti: “Ndiri kunakidzwa chaizvo kuno. Ushumiri hunozorodza kwazvo! Tinotaura kwemaminitsi anenge 20 pasuo rimwe nerimwe nokuti vanhu vanoda kunzwa zvose zvaungagona kuvaudza.” Yakatizve: “Ndinongoshuva hangu kuti kudai vechiduku vose vaizoita seizvi vonzwa semanzwiro andiri kuita. Hapana chimwe chinhu chinopfuura kushumira Jehovha nezvose zvatiinazvo.”
6. Chii chinoita kuti udade nevechiduku vari muungano yenyu?
6 Tinodada nemi zvikuru imi vechiduku vari kupenya sezvinhu zvinovheneka munyika! (1 VaT. 2:20) Sezvamunoshumira Jehovha nomwoyo wose, mweya, pfungwa, uye simba, muchakohwa “zvine zana zvino munguva ino . . . uye upenyu husingaperi mumamiriro ezvinhu epanguva inouya.”—Mako 10:29, 30; 12:30.