Vhidhiyo Inoratidza Kurapa Kunokosha Kwava Kufarirwa Nevoruzhinji
Nyanzvi dzomutemo nedzokurapa dziri kuwedzera kufungisisa kurapa kunofarirwa nevarwere uye kodzero dzevarwere. Izvi zvasimudzira marapiro matsva anogona kubatsira Zvapupu zvaJehovha. (Mab. 15:28, 29) Ndizvo zviri muvhidhiyo inonzi Transfusion-Alternative Health Care—Meeting Patient Needs and Rights. Ionei, mozodzokorora zvamadzidza.—Onai kuti: Vabereki vanofanira kufungisisa kuti voona here vhidhiyo yacho nevana vaduku nokuti mune zvikamu zviduku zvinoratidza kuvhiya.
(1) Nei vamwe vezvokurapa vari kuongororazve kana ropa ringawedzerwa pakurapa? (2) Ipa mienzaniso mitatu yokuvhiya kusiri nyore kungaitwa pasina kuwedzera ropa. (3) Pasi pose pane vanachiremba uye vavhiyi vangani vakaratidza chido chavo chokurapa varwere vasingawedzeri ropa? Nei vachida kuita kudaro? (4) Kuongorora kuchangobva kuitwa muzvipatara kwakaratidzei nezvokushandiswa kweropa? (5) Ingozi dzipi dzokurapa dzakabatana nokuwedzerwa ropa? (6) Nyanzvi dzakawanda dzakati kudini nezvokubatsira kwenzira dzinotsiva kuwedzera ropa? (7) Chii chinokonzera kushomeka kwemasero matsvuku? Vanhu vanogona kurarama nechinetso ichi zvakadini? Chii chingaitwa kuti pave nechinotsiva kushomeka kwawo? (8) Kugadzirwa kwemasero matsvuku kungawedzerwa sei mumuviri womurwere? (9) Inzira dzipi dziri kushandiswa kuderedza kurasika kweropa pakuvhiya? (10) Zvinotsiva kuwedzerwa kweropa zvingashanda here pavana vaduku uye pavanhu vanenge vaita tsaona dzinogona kuuraya? (11) Ndeipi iri imwe yenzira dzakanaka dzokurapa kwakanaka? (12) Nei zvichikosha kuti vaKristu vagare vasarudza kurapwa kwavanoda pasina ropa? Tingaita sei izvi?
Achishandisa hana yake yakadzidziswa neBhaibheri, munhu anozvisarudzira kana achida mamwe emarapiro anoratidzwa muvhidhiyo yacho. Wakasarudza zvimwe zvingatsiva kuwedzera ropa zvamungabvuma iwe nevana vako here? Nhengo dzemhuri dzisiri Zvapupu dzinofanirawo kuudzwa zvakazara zvawakasarudza uye zvikonzero zvacho.—Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” mumagazini yeNharireyomurindi yaJune 15 neyaOctober 15, 2000.