Dzidzo Inoita Kuti Uwane Upenyu
1 Zvinofadza chaizvo kuona maziso evanhu achipenya pavanonzwisisa chokwadi chinobva muShoko raMwari! Zvinogutsa zvikuru kuudza vamwe zivo yaMwari nechinangwa chake pavanhu. Dzidzo yakadaro inogona kuita kuti munhu awane upenyu husingaperi.—Joh. 17:3.
2 Nei Ichikosha Kupfuura Imwe Dzidzo: Nhasi dzidzo yava kuwanikwa nenzira dzose dzinobvira uye panyaya dzose dzingafungidzirwa. (Mup. 12:12) Asi zivo yakadaro haigoni kuenzaniswa kukosha kwayo ne“zvinhu zvikuru zvaMwari.” (Mab. 2:11) Dzidzo inopiwa munyika yave ichigona kuita kuti vanhu vaswedere pedyo noMusiki uye kuti vazive chinangwa chake here? Yabatsira here vanhu kuti vanzwisise chinoitika patinofa kana kuti nei vanhu vachinyanya kutambura kudai? Yapa here vanhu tariro? Yabatsira here kuti urongwa hwemhuri huvandudzike? Aiwa. Tinongogona kuwana mhinduro chaidzo dzemibvunzo inokosha muupenyu kuburikidza nedzidzo yaMwari.
3 Dzidzo yaMwari inopa chimwe chinhu chisingambowaniki zvachose munyika yanhasi—inovandudza tsika. Shoko raMwari rinobvisa zvachose rusaruraganda, kusarura madzinza, nourudzi mumwoyo yevaya vanoda uye vanoshandisa zvarinodzidzisa. (VaH. 4:12) Rabatsira vanhu kuti vasiye marudzi ose echisimba ‘vopfeka unhu hutsva.’ (VaK. 3:9-11; Mika 4:1-3) Uyezve, dzidzo yaMwari yapa mamiriyoni simba rokukurira tsika nezviito zvakadzika midzi izvo zvisingafadzi Mwari.—1 VaK. 6:9-11.
4 Nei Ichikosha Iye Zvino: Mudzidzisi wedu Mukuru anotinyevera nezvezvinoreva nguva yatiri kurarama mairi. Uprofita hwokutonga kwake hune mashoko anoenderana nenguva anofanira kuziviswa mupasi rose. (Zvak. 14:6, 7) Kristu ari kutonga ari kudenga, umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema huchaparadzwa nokukurumidza, uye Umambo hwaMwari hwakagadzirira kuparadza hurumende dzose dzepanyika. (Dhan. 2:44; Zvak. 11:15; 17:16) Saka, zvinokosha kuti vanhu vazive kuti Mwari ndiye ari kutonga saMambo, vobuda muBhabhironi Guru, vodana zita raJehovha nokutenda. (Pis. 2:11, 12; VaR. 10:13; Zvak. 18:4) Nepatinogona napo ngatipeiwo vamwe dzidzo inoita kuti vawane upenyu.