Ratidza Kuti Unonyatsofarira Vanhu—Nokuva Ane Mutsa
1 Achiyeuka paakasangana nomumwe weZvapupu zvaJehovha kokutanga, mumwe mukadzi aifunga kuti Zvapupu zvakaipa, akati: “Handichamboyeuki kuti takakurukurei, asi zvandinoyeuka ndezvokuti aiva nomutsa, aiva noushamwari uye aizvininipisa. Ndakanzwa ndichiswededzwa pedyo naye chaizvo.” Mashoko aya anoratidza zvakanakira kunyatsofarira vanhu vatinoparidzira.—VaF. 2:4.
2 Rudo Rune Mutsa: Imwe nzira yatingaratidza nayo rudo kune vamwe ndeyokuva nomutsa. (1 VaK. 13:4) Munhu ane mutsa anoratidza kuti anonyatsofarira kugara zvakanaka kwevamwe, achiedza kuvaitira zvinhu zvinobatsira. Chokwadi, basa rokuparidza iro pacharo kuratidza mutsa. Asi hatiratidzi kuti tinonyatsofarira vanhu nokungovaparidzira chete. Zvose zvatinoitira vanhu—ushamwari hwedu, tsika dzedu dzakanaka, nzira yatinoteerera nayo, zvinhu zvatinotaura nematauriro atinozviita, kunyange matarisire atinoita vamwe—zvicharatidza kuti tinonyatsovafarira.—Mat. 8:2, 3.
3 Kuva nehanya nevanhu kuchaitawo kuti tivabatsire pazvinenge zvichidiwa. Payaiparidza pasuo nesuo, imwe hama iri piyona yakadzingwa neimwe chirikadzi yakwegura ichangogogodza suo, chirikadzi iyi payakaziva kuti hama iyi yaiva Chapupu. Chirikadzi yacho yakati yaiva iri pamanera mukicheni ichiedza kuchinja girobhu pakaridzwa bhero. Hama yacho yakati, “zvine ngozi kuti muite izvozvo muri moga.” Chirikadzi yacho yakapinza hama iyi mumba. Hama iya yakachinja girobhu racho ndokubva yaenda zvayo. Mwanakomana womukadzi uyu paakazopfuura napo kwapera chinguva achida kuona amai vake, vakamuudza zvakanga zvaitika. Akafara zvikuru zvokuti akatsvaka hama iya kuti aionge. Izvi zvakabva zvaita kuti pave nokukurukurirana kwakanaka, mwanakomana wacho achibva abvuma kudzidza Bhaibheri.
4 Nokuva nomutsa, tinoratidza rudo rwaJehovha kuvanhu uye tinoshongedza shoko roUmambo. Naizvozvo, ngatigaro“ratidza kuti tiri vashumiri vaMwari . . . nomutsa.”—2 VaK. 6:4, 6.