Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi June 1
“Kunyange zvazvo vanenge vanhu vose vachitaura nezvorugare, vanhu vatadza kuita kuti nyika yose ibatane. Munofunga kuti kuruwana kunongovawo kurota zvako here? [Rega apindure.] Magazini ino inotaura nezvehurumende inogona kubatanidza nyika yose.” Verenga Pisarema 72:7, 8, uye ronga kudzoka kuti muzokurukura kuti izvi zvichaitika sei.
Awake! June 8
“Makaona here kuti vanhu vakawanda vari kunetseka nokupararira kwekenza yeganda kuri kuwedzera? [Rega apindure.] Magazini ino yeAwake! inoongorora nei isu nhasi tingava pangozi huru uye zvatingagona kuita kuti tizvidzivirire.” Gumisa nokuverenga chipikirwa chinonyaradza chiri pana Jobho 33:25.
Nharireyomurindi June 15
“Vakawanda vedu tichapedza nguva yakawanda youpenyu hwedu tichingoshanda. Vamwe vanoona izvozvo sokukomborerwa; vamwe vanozviona sokutukwa. Munofungei? [Rega apindure. Zvadaro verenga Muparidzi 2:24.] Magazini ino inoratidza kuti Bhaibheri ringatibatsira sei kuti tione basa zviri pakati nepakati. Inotsanangurawo kuti tingakurira sei kuora mwoyo kunokonzerwa nebasa.”
Awake! June 22
“Munofunga kuti nzanga yedu yaizova nzvimbo iri nani here kudai munhu wose aiita izvi? [Verenga VaEfeso 4:28. Zvadaro rega apindure.] Magazini ino inotsanangura mutengo wakakura uyo mumwe nomumwe wedu ari kubhadhara pamusana pezvinhu zviduku zvinobiwa muzvitoro. Inoratidzawo kuti kuba zvinhu zviduku muzvitoro uye dzimwe mhosva, zvichapera sei nokukurumidza.”