Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naJune 27, 2005. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaMay 2 kusvika kune yaJune 27, 2005. [Ona kuti: Panenge pasina kuratidzwa bhuku rinobva mashoko acho pamberi pomubvunzo, uchafanira kutsvakurudza woga kuti uwane mhinduro dzacho.—Ona Chikoro Choushumiri, map. 36-7.]
UNYANZVI HWOKUTAURA
1. Nei fananidzo neenzaniso zviri zvinhu zvine simba pakudzidzisa? (Gen. 22:17; Pis. 1:3; Jak. 3:6) [be-CA p. 240 ndima 2-4, bhokisi]
2. Tingawanepi mienzaniso inodzidzisa zvidzidzo zvinokosha, asi tinofanira kungwaririrei panhau iyi? [be-CA p. 242 ndima 1-2]
3. Tinofanira kuramba tichiyeukei patinenge tichisarudza mifananidzo ichanyatsobatsira? [be-CA p. 244 ndima 1-2]
4. Nei tichifanira kushandisa zvinhu zvinooneka zvakadai semapikicha, mepu, nezvimwewo zvakadaro pakudzidzisa, uye Jehovha akazviita sei? [be-CA p. 247 ndima 1-2, bhokisi]
5. Tingashandisa sei zvinhu zvinooneka patinenge tiri muushumiri hwomumunda? [be-CA p. 248 ndima 1–p. 249 ndima 2]
HURUKURO NHA. 1
6. MuShoko raMwari mune murayiridzo upi une chokuita nedzidzo yevana? [w03-CA 3/15 p. 12 ndima 2; p. 14 ndima 3]
7. Jehovha akaratidza sei kuti aifarira Dhavhidhi sowechiduku, uye Dhavhidhi akaratidza sei kuti aifarira Jehovha? [w03-CA 4/15 p. 29 ndima 4; p. 30 ndima 3]
8. Nei Jehovha akafarira chibayiro chaAbheri, uye izvi zvinotivimbisei? (Gen. 4:4) [w03-CA 5/1 p. 28 ndima 4–p. 29 ndima 1]
9. Chii chiri “kuranga kwaJehovha” kwatinorayirwa kuti tisaramba pana Zvirevo 3:11? [w03-CA 10/1 p. 20 ndima 2-4]
10. “Kugutsikana” kunorevei sezviri pana 1 Timoti 6:6-8? [w03-CA 6/1 p. 9 ndima 1-2; p. 10 ndima 1]
KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI
11. Chisungo chorudo chaiva pakati paJonatani naDhavhidhi chaifananidzirei? (2 Sam. 1:26) [w89-CA 1/1 p. 26 ndima 13]
12. Chii chingadzidzwa pakuedza kwokutanga kwakaita Dhavhidhi kuunza areka yesungano muJerusarema? (2 Sam. 6:2-9)
13. Pashure pokunge Dhavhidhi naBhatishebha vaita chivi, nei mwanakomana wavo aifanira kufa, sezvo pana Dheuteronomio 24:16 naEzekieri 18:20 pachiti mwanakomana haafaniri kufira kukanganisa kwababa vake? (2 Sam. 12:14; 22:31)
14. Tinoziva sei kuti zvakataura Zibha nezvaMefibhosheti dzaiva nhema? (2 Sam. 16:1-4)
15. Nei zvakaitwa naMefibhosheti pane zvaakaitirwa naZibha zviri muenzaniso wakanaka kwazvo kwatiri? (2 Sam. 19:24-30)