Chengeta
Mharidzo Dzingangoshandiswa Pakugovera Mabhurocha
Mharidzo dzakasiyana-siyana dzaiswa muwedzero ino kuti dzikubatsire kugadzirira kugovera mabhurocha. Idzi dzingaitwa kuti dzienderane nemamiriro ezvinhu mundima yenyu. Dzimwe mharidzo dzingashandiswawo. Mharidzo dzokugovera mabhurocha asina kunyorwa muwedzero ino dzinogona kugadzirirwa muchishandisa mharidzo dzinotevera sedzokuenzanisira.—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2005 papeji 8.
Mharidzo imwe neimwe iri papeji ino inosanganisira (1) mubvunzo unotokonya pfungwa wokutanga nawo kukurukurirana, (2) panobva pfungwa dzokutaura mubhurocha racho, uye (3) rugwaro rwakakodzera rungagona kuverengwa pamunenge muchikurukurirana. Unogona kupedzisa mharidzo yacho nemashoko ako pachako, maererano nokuti munhu wacho apindura sei.
A Book for All People
“Munofunga kuti Bhaibheri rine zano rinoshanda muzuva redu here?”—peji 22, mashoko anotsanangura mufananidzo; peji 23, ndima 3 yebhokisi; Zvir. 25:11.
Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa
“Nhasi tiri kugovera bhurocha iri riri kunyaradza uye kupa tariro kumamiriyoni evanhu akafirwa nevadiwa vawo. Makambofunga kuti pane tariro here nokuda kwevakafa?”—peji 27, ndima 3; Joh. 5:28, 29.
“Makambofunga here nezvokuti tinganyaradza sei mumwe munhu akafirwa?”—peji 20, ndima 1; Zvir. 17:17.
A Satisfying Life—How to Attain It
“Pasi pose, vanhu vari kutsvaka upenyu huri nani. Munofunga kuti zvichazomboita kuti tive noupenyu hunonyatsogutsa here?”—peji 29, ndima 6; 2 Pet. 3:13.
Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?
“Vanhu vatinoda pavanofa, zviri muropa kuti tinetseke kuti vari kupi uye kana tichazombovaonazve. Makambofunga nezvemibvunzo yakadaro here?”—Mibvunzo iri pabutiro rokuseri; Job. 14:14, 15.
Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!
“Vanhu vakawanda vanofunga kuti vachafanira kuenda kudenga kuti vave noupenyu husingaperi, asi munofungei nezvokurarama pasi pano nokusingaperi?”—Mufananidzo uri pabutiro; Zvak. 21:4.
Hurumende Ichaunza Paradhiso
“Vanhu vakawanda vanoshuva kuona zvinetso zvatinosangana nazvo nhasi zvichipera. Munofunga kuti pachazombova nehurumende inogona kupedza zvinetso izvi here?”—peji 3, ndima 1; Mat. 6:9, 10.
Unofanira Kudavira Utatu Here?
“Vanhu vanoona Mwari nenzira dzakasiyana-siyana. Munofunga kuti zvatinodavira zvine basa here?”—peji 3, ndima 3, 7-8; Joh. 17:3.
Zita RaMwari Richagara Nokusingaperi
“Vakawanda vedu tinoziva munyengetero unotanga uchiti ‘Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe noutsvene.’ (Mat. 6:9, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Asi maiziva here kuti kuponeswa kwedu kunobva pakuziva zita iroro?”—peji 28, ndima 1; VaR. 10:13.