Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naApril 25, 2005. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaMarch 7 kusvika kune yaApril 25, 2005. [Ona kuti: Panenge pasina kuratidzwa bhuku rinobva mashoko acho pamberi pomubvunzo, uchafanira kutsvakurudza woga kuti uwane mhinduro dzacho.—Ona Chikoro Choushumiri, map. 36-7.]
UNYANZVI HWOKUTAURA
1. Patinenge tichigadzirira hurukuro, tinoshandisa sei zvakanaka mashoko atakapiwa, uye nei izvi zvichikosha? [be-CA p. 234 ndima 1-3, mabhokisi]
2. Tinofanira kuedza kukurukura mashoko akawanda sei pane atakapiwa muhurukuro? [be-CA p. 234 ndima 4–p. 235 ndima 1]
3. Tingashandisa sei mibvunzo kuti tikurudzire kukurukurirana muushumiri hwomumunda? (Mab. 8:30) [be-CA p. 236 ndima 2-5]
4. Tingashandisa sei mibvunzo kubatsira vadzidzi veBhaibheri kuti vashandise ‘simba ravo rokufunga’? (VaR. 12:1) [be-CA p. 238 ndima 1]
5. Mibvunzo iri pana VaRoma 8:31, 32 naIsaya 14:27 inobatsirei? [be-CA p. 239 ndima 1-2]
HURUKURO NHA. 1
6. ‘Tinoisa Kristu senheyo’ sei mubasa redu rokuita vadzidzi? (1 VaK. 3:11) [be-CA p. 278 ndima 1-2]
7. Sezvo Jehovha akapa Mwanakomana wake simba rakakwana rokutonga muna 1914, chinangwa chedu ndechei patinonyengetera kuti, “Umambo hwenyu ngahuuye”? (Mat. 6:9, 10) [be-CA p. 279 ndima 4]
8. Nei vaKristu vose vachifanira kufarira kugona kuverenga, uye Jesu akaratidza sei muenzaniso mune izvi? [w03-CA 3/15 p. 10 ndima 5; p. 12 ndima 2]
9. Muenzaniso waJosiya naJesu ungabatsira sei vechiduku kufambira mberi mune zvokunamata? [w03-CA 4/1 p. 8 ndima 3-4; p. 10 ndima 3]
10. Nei tichigona kuvimba naMwari? (Zvir. 3:5, 6) [w03-CA 11/1 p. 4 ndima 6–p. 5 ndima 1]
KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI
11. Nei Hana akanyengetera kuti Jehovha ‘ape mambo wake simba’ pakwakanga kusina mambo aiva munhu muIsraeri? (1 Sam. 2:10)
12. Tingadzidzei pakuti vaIsraeri vakakundwa pasinei nokuti areka yesungano yaiva pakati pavo? (1 Sam. 4:3, 4, 10)
13. Nei 1 Makoronike 2:13-15 ichitaura nezvaDhavhidhi somwanakomana waJese wechinomwe, nepo 1 Samueri 16:10, 11 ichiti aiva wechisere?
14. ‘Mudzimu wakaipa’ wakatambudza Sauro chii? (1 Sam. 16:14)
15. Kufembera kwakaitwa na“Samueri” achitaura nesvikiro rokuEndori kwakanga kwakarurama here? (1 Sam. 28:16-19)