Purogiramu yoMusangano Webasa
Vhiki Inotanga naMarch 14
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Shandisa mazano ari papeji 8 (kana achikodzera ndima yenyu) kuenzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaMarch 1 neAwake! yaMarch 8. Dzimwe mharidzo dzinoshanda dzingashandiswa. Mune mumwe wemienzaniso yacho, enzanisira kudzokerazve kungaitwa kumunhu anogara achiendeserwa magazini. Pakugumisa imwe yemharidzo dzacho, shandisa peji yokupedzisira yeAwake! yaMarch 8, kuyeuchidza saimba nezveChirangaridzo chiri kuuya.
20 min:“Kunyanya Kutaura nezveBhaibheri!”a
15 min: Ivai Norudo Pakati Penyu. (Joh. 13:35) Hurukuro inopiwa nomukuru inobva muNharireyomurindi yaFebruary 1, 2003, mapeji 15-18, ndima 10-21. Sezvinotaurwa pane mabhuku achagoverwa muna April naMay, tinokurudzirwa kuedza kutanga kudzidza Bhaibheri nevaya vakatodzidza bhuku raZivo uye bhurocha raAnodei. Taura kuti vaparidzi vangashandira sei pamwe nevakuru mukubatsira vaya vakaneta.
Rwiyo 137 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naMarch 21
10 min: Zviziviso zveungano.
15 min: “Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi—Chikamu 7.”b Paunenge uchigadzirira hurukuro iyi, ona Nharireyomurindi yaJuly 15, 2002, papeji 27, ndima 5-6.
20 min: Amagedhoni Chii? Wasuma kweisingapfuuri miniti imwe, kurukura nemibvunzo nemhinduro kubva pamapeji 29-34 mubhuku raKurangarira. Kumbira vateereri kuti vapindure mibvunzo yakanyorwa nemabhii matema-tema, vachishandisa magwaro akanyorwa mashoko awo neaya asina. Kurukura mashandisire atingaita mashoko aya muushumiri hwomumunda.
Rwiyo 109 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naMarch 28
10 min:Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye kugamuchirwa kwemari yezvipo. Yeuchidza vaparidzi kuendesa mishumo yebasa romumunda yaMarch. Kurudzira vose kukoka vanhu vanofarira kuti vauye kuzonzwa hurukuro yavose chaiyo musi waApril 10. Taura mabhuku achagoverwa muna April naMay.
15 min: Zvinodiwa muungano.
20 min: Taura nezveNharireyomurindi neAwake! Dzokorora mazano okuwedzera kugovera magazini muna February 2005 ari muUshumiri Hwedu hwoUmambo, papeji 8. Taura pfungwa dzingashandiswa kugovera magazini achangobva kubuda. Uchishandisa mazano ari papeji 8 (kana achikodzera ndima yenyu) enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaMarch 15 neAwake! yaMarch 22. Dzimwe mharidzo dzinoshanda dzingashandiswa. Mumienzaniso yacho yose, tsanangura kuti basa redu romunyika yose rinotsigirwa sei nemari.—Ona Nharireyomurindi, p. 2, kana kuti Awake! p. 5.
Rwiyo 116 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naApril 4
10 min: Zviziviso zveungano. Kurukura “Kokorodzano Dzoruwa Dza2005.” Taura kuti ungano yenyu yakanzi ichapinda kokorodzano ipi. Kurudzira vose kuti vatange kugadzirira iye zvino.
15 min: Bhuku Rinobatsira Kutisimbisa. Wasuma kweisingapfuuri miniti imwe, kurukurirana nevateereri mu2005 Yearbook. Kufungisisa nezvemabasa aJehovha anoshamisa mumazuva ano kunotiswededza pedyo naye uye nehama dzedu munyika yose. (Pis. 77:12-14) Kunotisimbisa kuti tidzivise Dhiyabhorosi zvakasimba, ‘takasimba pakutenda.’ (1 Pet. 5:8, 9) Kunobatsira vatsva kuti vanzwisise sangano raJehovha. Kumbira vateereri kuti varondedzere zvinovanakidza pakuverenga kwavanoita 2005 Yearbook. Fanoronga kuti mumwe kana kuti vaviri vataure kuti vanoronga sei nguva yokuverenga Yearbook somunhu oga. Nyatsoronga nguva kuti pagovawo neimwe inokwana kukurukura “Tsamba Inobva kuDare Rinodzora,” iri papeji 5 yoUshumiri Hwedu hwoUmambo huno.
20 min:“Shandisa Mabhuku Edu Nokuchenjera.”c Iva nemienzaniso miviri kubva pandima 4 ne7. Iyi inofanira kuratidza zvakajeka kufarira kwasaimba zvobva zvazoita kuti zvikodzere kumusiyira mabhuku. Muenzaniso mumwe nomumwe wapera, taura zvaitwa nomuparidzi nezvourongwa hwezvipo. Simbisa kukosha kwokutevedzera zvinotaurwa munyaya ino zvine chokuita ne1) kusiya mabhuku kuvanhu vanofarira nomwoyo wose chete uye, 2) kukosha kwokutaura urongwa hwezvipo kune vaya vatinoparidzira.
Rwiyo 36 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.