RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/05 p. 8
  • Govera Magazini Muushumiri Hwako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Govera Magazini Muushumiri Hwako
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Shandisa Zvakanakisisa Magazini Edu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Magazini Anozivisa Umambo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Nharireyomurindi naMukai!—Magazini Akakodzera Nguva Ezvokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Sarudza Nyaya Kuti Unange Fariro Chaidzo Dzavanhu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 2/05 p. 8

Govera Magazini Muushumiri Hwako

1, 2. Nharireyomurindi neAwake! zvakachinja sei upenyu hwevanhu?

1 “Anonakidza, anoenderana nenguva, anokurudzira.” “Handisati ndamboverenga magazini anokurudzira seaya.” Mashoko aya anonyatsotsanangura manzwiro evaverengi veNharireyomurindi neAwake! pasi pose. Zvechokwadi, magazini edu akaratidza kuti zvishandiso zvinokosha chaizvo pakukurukura ne“vanhu vose” mashoko akanaka.—1 Tim. 2:4.

2 Mumwe muzvinabhizimisi akawana magazini yeAwake! yaiva nenyaya yakamunakidza. Akazoverenga Nharireyomurindi, yaiva nenyaya yakamuita kuti aongorore zvaanga agara achidavira pamusoro poUtatu. Izvi zvakaita kuti afarire. Mwedzi mitanhatu gare gare akabhabhatidzwa. Mumwe murume aigara achiwana magazini asi asingamboaverengi. Ukuwo, mudzimai wake akanga asingadi kutaura neZvapupu asi aiverenga magazini aisiyirwa murume wake. Mwoyo wake wakabayiwa nechipikirwa cheBhaibheri cheparadhiso yepasi yakazara nevanhu vakarurama. Nokufamba kwenguva, mudzimai uyu, mwanakomana wake uye munun’una wake vakava vashumiri vaJehovha.

3. Zvakanakirei kugovera magazini ari maviri?

3 Agovere Ari Maviri: Sezvaratidzwa nemienzaniso yataurwa, hatigoni kuziva kuti ndiani achaverenga magazini edu kana kuti chii chichaita kuti vafarire. (Mup. 11:6) Naizvozvo, zvakanaka kugovera Nharireyomurindi neAwake! pamwe chete, kunyange zvazvo tichanyanya kutaura nezvemagazini imwe chete pamharidzo yedu. Mune mamwe mamiriro ezvinhu, zvingava zvakanaka kugovera magazini akati kuti akasiyana-siyana patinoshanya.

4. Tingaronga sei purogiramu yebasa remagazini?

4 Zvinobatsira kuronga zuva rimwe chete pavhiki rokuita basa remagazini. PaKarenda yeZvapupu zvaJehovha ya2005, misi yose yoMugovera yakarongwa kuti ive “Zuva Remagazini.” Chokwadi, sezvo mamiriro ezvinhu omunhu noomunharaunda zvingasiyana, vamwe vangasarudza rimwe zuva rokuzogovera magazini edu. Izvi wakazvirongawo here papurogiramu yako yevhiki nevhiki?

5. Mikana ipi yokugovera magazini yatinofanira kusvinurira, uye chii chingatibatsira kuita kudaro?

5 Iva Nechinangwa: Kuva nechinangwa chokugovera magazini mwedzi nomwedzi kunotibatsira kuti tirambe tichifunga nezvokuagovera. Une kwaunogara uchiendesa magazini here? Unogovera magazini vaya vaunosangana navo muushumiri here? Unogona here kugovera magazini pamugwagwa, mundima yebhizimisi, uye munzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda? Unotakura magazini here paunenge uchifamba, uchitenga, uye uchienda kune zvimwe zvirongwa? Nyatsoshandisa mukana wose wakakodzera kuyamura vamwe kuti vabatsirwe neNharireyomurindi neAwake!

6. Tinogona sei kushandisa zvakanaka magazini ekare?

6 Tingavavarirawo kugovera magazini ekare atinenge tiinawo. Kunyange kana magazini akaita mwedzi mumwe chete kana miviri asati agoverwa, mashoko awo anoramba achikosha. Agovere kuvanhu vanofarira. Kumamiriyoni evanhu, magazini eNharireyomurindi neAwake! ave ari ‘shoko panguva yakafanira.’ (Zvir. 25:11) Ngatiashandisei kubatsira mamiriyoni kuti asvike pakuziva ndokushumira Jehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe