RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/05 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 2/05 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna February: Swedera Pedyo naJehovha. March: Bhurocha raRambai Makarinda! Kana vanhu vacho vakaratidza kuti vanonyatsofarira, varatidze bhuku raZivo, uchiedza kutanga chidzidzo cheBhaibheri. April naMay: Nharireyomurindi neAwake! Paunodzokerazve kuvanhu vanofarira, kusanganisira vaya vakapinda Chirangaridzo uye/kana kuti mimwe misangano asi vasingasonganiri neungano, edza kugovera bhuku raNamata Mwari. Chinangwa chacho ndechokutanga chidzidzo cheBhaibheri, kunyanya nevanhu vakatodzidza bhurocha raAnodei uye bhuku raZivo.

◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu waanosarudza anofanira kuongorora akaunzi dzeungano musi waMarch 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Kana muine imwe akaundi yokubhengi, yakadai seyokugadzirisa imba yoUmambo kana kuti yezvinodiwa zveImba yoUmambo, munofanirawo kuronga kuti akaundi iyi iongororwe. Kana mapedza kuongorora kwacho, ungano inofanira kuziviswa pamushumo weakaunzi unotevera.

◼ Munyori nomutariri webasa vanofanira kuongorora basa remapiyona ose enguva dzose. Kana paine vari kuomerwa nokusvitsa maawa anodiwa, vakuru vanofanira kuronga kuti vabatsirwe. Nokuda kwemazano, dzokororai tsamba dzepagore dzeS-201.

◼ Hurukuro chaiyo yomwaka weChirangaridzo cha2005 ichava nomusoro unoti “Nei Jesu Akatambura Ndokufa.” Ona chiziviso chakafanana muzviziviso zviri Muushumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 2004.

◼ Tose tinofanira kuvapo paMusangano Wavose musi weSvondo, March 20, nokuda kwechiziviso chinokosha chine chokuita nezvakagadzirirwa vaparidzi vose.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe