Kupupurira Hama Dzedu—Sei?
1. Nei kunzwisisa kuchidiwa pakupupurira hama dzedu?
1 Tingafara zvikuru kupinda munyika itsva nevadiwa vedu, takabatana navo mukunamata Jehovha! Kana tikapupurira hama dzedu, tarisiro iyi inofadza ingangoitika. Zvisinei, kupupurira hama dzedu nenzira inozorodza kunoda kuti tive vanonzwisisa. Mumwe mutariri wedunhu akati: “Vaya vanotaura nyaya dzinoita kuti hama dzavo dzide kuziva zvakawanda nguva nenguva ndivo vanova nemigumisiro yakanakisisa.” Tingazviita sei?
2. Kufarira hama dzedu nomwoyo wose kungatibatsira sei kuti tiite kuti dzide kuziva zvakawanda?
2 Ita Kuti Vade Kuziva: Tanga wanyatsofunga kuti ungaita sei kuti hama dzako dzifarire. (Zvir. 15:28) Vanofarirei? Vari kutarisana nezvinetso zvipi? Pamwe ungavaratidza imwe nyaya kana kuti kutaura rugwaro runonakidza runotaura nezvenyaya yavanonyanya kufarira. Kana hama dzako dzisingagari pedyo newe, zvichida ungaita izvi nokunyora tsamba kana kuti kuridza runhare. Usingavatutiri zvakawandisa, dyara mbeu dzechokwadi, uye tarira kuna Jehovha kuti aite kuti mbeu idzodzo dzikure.—1 VaK. 3:6.
3. Kufarirwa kwatinoitwa nehama dzedu kungativhurira sei mukana wokupupura?
3 Jesu akaudza mumwe murume waakanga adzinga madhimoni akawanda kuti: “Enda kumba kuhama dzako, udziudze zvinhu zvose zvawaitirwa naJehovha nengoni dzaakuitira.” (Mako 5:19) Imbofungidzira kuti izvi zvinofanira kunge zvakaita kuti hama dzomurume wacho dzinzwe sei! Kunyange zvazvo ungasava nechiitiko chinoshamisa kudaro, hama dzako dzingangodaro dzichifarira zvaunoita kana kuti zvinoitwa nevana vako. Kutaura nezvehurukuro yawakapa paChikoro chaMwari Choushumiri, kokorodzano yawakapinda, kushanyira Bheteri kwawakaita, kana kuti chimwe chinhu chinokosha chakaitika kwauri kungavhura nzira yokuti utaure navo chimwe chinhu nezvaJehovha nesangano rake.
4. Zvii zvatinofanira kudzivisa patinenge tichipupurira hama dzedu?
4 Iva Anonzwisisa: Paunenge uchipupurira hama dzako, usanyanya kudziudza zvakawandisa panguva imwe chete. Ichiyeuka nguva yayakatanga kudzidza Bhaibheri, imwe hama yechiKristu yakabvuma kuti: “Ndaibva ndatutira amai vangu netsanangudzo dzezvinhu zvinenge zvose zvandakanga ndadzidza muBhaibheri, uye izvi zvaiwanzoita kuti tiitirane nharo, kunyanya nababa vangu.” Kunyange kana hama yako ikaratidza kufarira shoko reBhaibheri, pindura nenzira inoita kuti munhu wacho asare achida kuziva zvakawanda. (Zvir. 25:7) Nguva dzose ratidza ruremekedzo, mutsa, uye kushivirira, sezvawaizongoita paunenge uchitaura nevanhu vausingazivi muushumiri.—VaK. 4:6.
5. Tinofanira kuitei kana hama dzedu dzikasafarira patinodzipupurira?
5 Pane imwe nguva, hama dzaJesu dzaifunga kuti akanga ava kupenga. (Mako 3:21) Asi kwapera nguva yakati vamwe vacho vakava vatendi. (Mab. 1:14) Kana hama dzako dzikasafarira paunotanga kuedza kudziudza chokwadi, usarega. Mamiriro ezvinhu nemafungiro zvinogona kuchinja. Ramba uchitsvaka mumwe mukana wokutaura pfungwa ingaita kuti vade kuziva. Ungazofara kuvabatsira kuti vatange kufamba munzira inoenda kuupenyu husingaperi.—Mat. 7:13, 14.