RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/04 p. 3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 11/04 p. 3

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa pana November 1-14: Basa chairo rokuparadzira bhurocha raRambai Makarinda! November 15-30: Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Kana vanhu vacho vakati havana vana, govera bhurocha raAnodei. Paunenge uchishandisa bhurocha racho, edza kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha. December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama. January: Bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakadhindwa papepa rinochinja ruvara nokufamba kwenguva kana kuti chero bhuku rakabudiswa 1990 asati asvika. Ungano dzisina mabhuku akadaro dzingagovera Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu.

◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu waanosarudza anofanira kuongorora akaunzi dzeungano musi waDecember 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Kana muine imwe akaundi yokubhengi, yakadai seyokugadzirisa imba yoUmambo kana kuti yezvinodiwa zveImba yoUmambo, munofanirawo kuronga kuti akaundi iyi iongororwe. Kana mapedza kuongorora kwacho, ungano inofanira kuziviswa pamushumo weakaunzi unotevera.

◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha mabhaundi vhoriyamu eNharireyomurindi neMukai! a2004 neodha dzadzo dzemabhuku dzinotevera. Mabhaundi vhoriyamu aya achaoneka papepa remabhuku eungano atumirwa pakanzi “Zvakamirirwa,” kusvikira ava kuwanikwa uye atumirwa. Mabhaundi vhoriyamu zvinhu zveodha chaiyo.

◼ Kutanga nevhiki yaMay 23, 2005, tichadzidza bhurocha raRambai Makarinda! paChidzidzo Chebhuku Cheungano.

◼ Hofisi yebazi inofanira kugara nekero nenhamba dzorunhare zvevatariri vanotungamirira nevanyori vose zvinenge zvichishanda panguva iyoyo. Pose pazvinochinja, Dare Rebasa Reungano rinofanira kuzadza, rosaina, uye rokukurumidza kutumira fomu rinonzi Kuchinja Kwekero yoMutariri Anotungamirira/yoMunyori (S-29) kuhofisi yebazi. Izvi zvinosanganisira kuchinja kwearea code yorunhare.

◼ Vanyengeri Vanofamba: Tiri kuramba tichigamuchira mishumo yevamwe vaparidzi vari kukorovherwa mari uye zvinhu nevanyengeri. (2 Tim. 3:13) Kakawanda, vanhu ava vanotaura kuti vapererwa nemari saka vanoda mari yokufambisa neyokudya. Kunyange zvazvo vangaita sevari kutaura chokwadi, kazhinji vanenge vasiri Zvapupu zvaJehovha asi kuti vanenge vari kungonyepedzera kuva Zvapupu. Kana munhu wamusingazivi akakumbira rubatsiro, kuchenjera kubvunza mumwe wevakuru veungano uyo angazoona kana munhu uyu achitaura chokwadi. Mukuru wokuungano yomunhu uyu anofanira kuridzirwa runhare kuti munzwisise mamiriro akaita munhu wacho. Zvapupu zvechokwadi zvinoerekana zvava kuda rubatsiro zvichanzwisisa kuti kubvunzisisa uku kunoitwa kuitira kudzivirira vose vanobatanidzwa. Ukuwo, vanyengeri vachafumurwa nokuongorora kwakadai. Kunyange zvazvo zvisina kufanira kunyanya kunyumwira vanhu vose vatisingazivi, tinofanira kungwarira vanyengeri vakaipa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe