Urongwa Hutsva Hwokudzokorora Purogiramu Dzemagungano
Sezvo nyika yaSatani iri kuramba ichiwedzera kuipa, Jehovha anotikurudzira “kuramba kusada Mwari nokuchiva kwenyika uye kurarama nokunaka kwepfungwa nokururama nokuzvipira kuna Mwari pakati pegadziriro ino yezvinhu iripo.” (Tito 2:12) Paurongwa hwaanoita achishandisa “muranda akatendeka, akangwara” pane purogiramu dzemagungano edunhu egore negore nedzezuva regungano chairo. (Mateu 24:45) Tinowana kuti kuungana uku kwomudzimu kunotisimbisa zvikuru!
Kutibatsira kuti tiyeuke uye tishandise mirayiridzo inopiwa, urongwa hutsva hwokudzokorora purogiramu idzi dzemagungano huchashandiswa mugore rebasa ra2005. Mapeji 5-6 ewedzero ino ane nyaya dzinofanoratidza zvichazokurukurwa uyewo mibvunzo yokudzokorora yepurogiramu imwe neimwe yegungano. Ungano dzichakurukura mashoko aya paMusangano Webasa nguva pfupi dzisati dzapinda uye dzazopinda magungano adzo. Izvi zvicharongwa sei?
Vhiki imwe kana mbiri ungano dzisati dzapinda gungano redunhu, hurukuro yemaminitsi gumi panyaya inoti “Purogiramu Itsva yeGungano Redunhu” ichakurukurwa paMusangano Webasa kuti tive nehavi yepurogiramu yacho. Mukurukuri achataurawo nezvemibvunzo yokudzokorora okurudzira vose kuva nezvavanonyora vachigadzirira kudzokorora kunozoitwa muvhiki shomanana gungano racho raitwa.
Vhiki shomanana gungano raitwa, kudzokorora kwemaminitsi 15 purogiramu yezuva rokutanga regungano kuchaitwawo paMusangano Webasa. Vhiki inotevera yacho, maminitsi 15 achatsaurwa kudzokorora purogiramu yezuva rechipiri. Mibvunzo yokudzokorora iri muwedzero ino ndiyo ichakurukurwa. Kudzokorora kwacho kunofanira kusimbisa kushanda kunoita mashoko acho. Vakuru vangaronga kupfupisa, kusiya, kana kuti kurongazve dzimwe hurukuro dzepaMusangano Webasa kuti pave nenguva yokudzokorora purogiramu idzi.
Urongwa uhwu ndihwo huchaitwawo pakudzokorora purogiramu yezuva regungano chairo, kunze kwokuti pachava nehurukuro imwe chete yemaminitsi 15 okudzokorora purogiramu yacho yose. Tose zvedu tichada kuchengeta wedzero ino tozoishandisa kuti tibatsirwe zvizere nemirayiridzo yakanaka inopiwa naJehovha.—Isa. 48:17, 18.