Purogiramu yoMusangano Webasa
Vhiki Inotanga naAugust 9
10 min: Zviziviso zveungano uye Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Kana mazano ari papeji 8 achishanda mundima yeungano yenyu, ashandisei kuenzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaAugust 1 uye Mukai! yaAugust 8. Dzimwe mharidzo dzingashandiswa. Taurawo urongwa hwomupiro. Yeuchidza vateereri kuti vauye nebhurocha raAnodei vhiki inouya.
15 min: “Kutsungirira Kunowanisa Mubayiro.”a Taurawo mashoko mashoma ari muNharireyomurindi yaDecember 15, 2000, pamapeji 22-3, ndima 15-18.
20 min: Kushandisa Maturakiti Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 2001 pamapeji 3-4. Taura kuti tinoda kuchinjira kumamiriro ezvinhu omudzidzi mumwe nomumwe, sezviri mundima 5. Ivawo nomuenzaniso mupfupi mumwe kana kuti miviri kubva mundima 8-10. Kana imwe mharidzo ichibudirira mundima yenyu, itsanangure uye ienzanisire. Kumbira vateereri kuti varondedzere zvavakasangana nazvo pavaishandisa turakiti raUngada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here?
Rwiyo 74 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naAugust 16
10 min: Zviziviso zveungano.
15 min: Roverera Chokwadi Muvana Vako. Hurukuro inobva mubhuku raMufarwa Wemhuri, pamapeji 55-9. Kurukura nzira ina idzo vabereki vangabatsira nadzo vana vavo kuumba ukama hwepedyo naJehovha, nokushandisa mashoko acho.
20 min: “Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi—Chikamu 2.”b Ivawo nomuenzaniso wemaminitsi mashanu. Muparidzi anobvunza mukuru kuti angabatsira sei mudzidzi weBhaibheri kufambira mberi. Mukuru wacho anotaura kuti vanhu vanowanzokanganisa nokupedzera nguva yakawandisa vachikurukura zvinhu zvisinganyanyi kukosha uye pfungwa dzisinganyanyi kuenderana nezviri kudzidzwa. Achishandisa chidzidzo 9 chebhurocha raAnodei, anoratidza muparidzi wacho kuti (1) angaomerera sei papfungwa huru dziri muchidzidzo chacho, (2) angashandisa sei zvinobudirira magwaro arimo, uye (3) angachinjira sei chidzidzo chacho kune zvinodiwa nomudzidzi wacho. Anotaura kuti kugadzirira kwakanaka kunodiwa nguva dzose pamunozodzidza.
Rwiyo 85 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naAugust 23
15 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaAugust 15 neMukai! yaSeptember 8. Mune mumwe muenzaniso wacho, enzanisira kupupurira kumudzidzisi wechikoro.
10 min: “Urongwa Hutsva Hwokudzokorora Purogiramu Dzemagungano.” Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva panyaya iri papeji 4. Taura misi yepurogiramu yegungano redunhu neyezuva regungano chairo inotevera kana yavapo. Vaya vanoda kubhabhatidzwa vanofanira kuzivisa mutaririri anotungamirira pachine nguva.
20 min: Kugadzirira Kwatingaita Sumo. Hurukuro nemienzaniso. Dzokorora pfungwa dzinokosha dziri mubhuku raKurangarira, papeji 9. Ratidza kuti tingasarudza sei sumo dzakanyatsokodzera tsika dzedu, unhu hwedu, uye ndima yedu. Dzokorora sumo dzomuenzaniso dzingagona kushandiswa pamwe chete nebhurocha raAnodei, uye ita kuti imwe kana kuti mbiri dzadzo dzienzanisirwe. Kurudzira vose kushandisa zvakanaka mazano ari mubhuku raKurangarira uye muUshumiri Hwedu hwoUmambo mubasa ravo romumunda.
Rwiyo 220 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naAugust 30
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaAugust.
15 min: “Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri—Musuo Muhombe Webasa.” Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri. Taurawo mashoko ari muBhuku Regore ra2004 pamapeji 239-40. Taura nezvomusangano wevaya vanofarira kupinda Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri unoitwa pagungano redunhu. Kurudzira vaya vanokodzera kuti vapinde musangano uyu.
20 min: Wakabatsirwa Here? Kukurukurirana nevateereri. Dzokorora mazano anotevera akabuda muUshumiri Hwedu hwoUmambo mugore rebasa rapfuura: Nyora sumo yako papepa. (km-CA 10/03 p. 8) Rumbidza munhu mumwe nomumwe, zvakananga, uye nomwoyo wose. (km-CA 11/03 p. 1) Pupurira vanhu pavangangowanikwa pamba. (km-CA 12/03 p. 1) Ronga nguva chaiyo yokuverenga Bhaibheri, kugadzirira misangano, uye ushumiri hwomumunda. (km-CA 1/04 p. 4) Shandisa bhurocha ra“Nyika Yakanaka” paunenge uchidzidza uri woga uye uchiverenga Bhaibheri. (km-CA 3/04 p. 2) Ronga kuverenga Bhaibheri rose. (km-CA 4/04 p. 1) Pupurira mundima yebhizimisi. (km-CA 7/04 p. 8) Shandisa maturakiti kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. (km-CA 8/04 p. 2) Kumbira vateereri kuti vataure kubatsirwa kwavakaita nokushandisa mazano aya.
Rwiyo 145 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naSeptember 6
5 min: Zviziviso zveungano.
15 min: Zvinodiwa muungano.
25 min: “Ratidza Chido Chokupayona.”c Bvunzurudza kwenguva pfupi piyona mumwe kana kuti maviri. Ita kuti ataure kuti muenzaniso wevabereki, vakuru, kana kuti vamwe wakaakurudzira sei kuita ushumiri hwenguva yakazara.
Rwiyo 142 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.